Find by tag

Cyclone Dineo - mazita evanhukadzi

Grace: Ko hindava maCyclones achipiwa mazita evanhukadzi?
Ruvheneko: Coz ndovane mhepo

Cyclone Dineo - ZIMRA

But hanzi kwaita good news hanzi Cyclone yabatwa neZIMRA paboarder, hameno payment irikudiwa before yapinda muno

Cyclone Dineo - ndavharirwa kwandiri

Handisi kukwanisa kudzoka kumba today coz of cyclone Dineo, ndinogona kutorwa nemvura pa bridge vana vakasara vava nherera. Ndinouya Monday, I love u.

Masasi ekupenga - chipatara

Line rekutora maResults e HIV ku clinic ndorega rausingaite hasha chero ukapindirwa...

Valentines prayer yemadzimai

Prayer for Valentine's Day:
Mwari komborerai njere dze varume vedu vakwanise kuziva nokuona musiyano weKUSHAYA NE KUOMERA

Valentine's - MDC

Beware.:-

Pa x- mas makapfeka dzemasoja tikakuregererai.

Nhasi mukapfeka dze MDC hameno henyu

Vakaroorwa valentines haisi yenyu

Kovakadzi vakaroorwa munoda ma
valentine presents eiko ,makamboona
hove irimufiriji ichipihwa maworms?

Musikana dofo - geography

Hanzi musikana anga achinyepera mukomana kuti akadzidza iye asina. So vakazoenda kuhotel . Mukomana akabvunza musikana kuti "iri cei geography?" Musikana akati" iri right asi ndajaira kuidya ine nyama."

Vana vemu dondo

🍜 Mumwe murume aiva akaterera news paradio Gvt announces that munhu wese ane vana 5 & above achahoreswa $500 .Saka murume uyu aiva nevana 4 nemkadzi wake wepamba ndokuti kumkadzi ndine mumwe mwana kusmall house saka let me go and collect him to make 5 childrens.Murume achidzoka pamba akawana vana vasara 2 then he asked his wife, ko vamwe vana 2 vaendepi ? Mkadzi answers, Asi munoti ndimi mega manzwa news dzacho here? Ana baba vavo vauya vakavatora kkkkk😂😂😂😂crazy

Chembere ichiyimba zim dancehall

Ndazoseka Gogaz yepa next door nhasi ichi imba masongs aFreeman. Paya paanoti HKD BOSS

Hanzi neGogaz: 8Kg bones


Cellphone number neChiShona

Sezvo svomhu dzakudzidzwa muchishona vanoda kundibata munondibata panhamba dzangu dzinoti : hapana Nomwe nomwe mbiri nomwe mbiri pfumbamwe hapana nomwe tatu

Maths dzava kuitwa neChiShona - remove brackets

(2x + 3)(x-7)
Bvisa mateya urerutse.
(Remove brackets and simplify)

Mushandi wepa purazi achida kuwedzerwa mari

Conversation pa farm

Mushandi: Shefu ndakauya pano mombe dziri 12 ikozvino dzave 41
Boss: Yes sure
Mushandi: Zvino ndange ndati mundiwedzerewo pay ka
Boss: Ko ndimi maidzi mitisa here bamnini?

Kubuda kwema o level results

Ma O level results akabuda guyz.muzukuru wangu kumubvunza kti wakatora hre,zvikanzi, "ndanonoka kusvika ndaona apera. Tanzi tizotaimira nex time pamwe anobuda akawanda tikakwana tose.apa ashoteredza". Kuvharwa kauuku. Töngoöna nex yr yacho mayb vachagadzira akati wandei.

musiyano wekupenga nekupusa

Vamwe boss vai mhanyira ku meetting mota, yavo ndokubva ya ponja. Pavakati vaise spare wheel, vabvisa raka ponja riye, mabhaudhi akabva awira muDrain. 

Boss vakabva vagara pasi vakabata shaya vapererwa nemazano kuti zvino voitasei

Pakarepo pakasvika benzi raifamba richinhonga muma bin rakapfeka marengenya akasviba ndokuti kuna Boss vaye :

Benzi: makadii henyu
Boss : mushe ibva pano!
Benzi: ko ndikubatsirei
kusunga vhirika?
Boss: hazviite coz mabhaudhi hapasisina awira mu drain.
Benzi: pamavhiri enyu matatu asara madii kubvisa bhaudhi 1 apa 1 apa 1 mosunga vhiri muone kusvika kwemuri kuenda

Boss vakashamisika ne idea yakadaro ndokuti:
Boss: zvaunenge unopenga wani ko izvi wazvifunga sei.
Benzi: Kupenga neKupusa zvakasiyana vakuru vangu! Ndinopenga but handina kupusa semi