Find by tag

Nditengerewo ice cream

Toti Tindo ane mhosva here apa??? Tindo akange achiona hake bhora vari mu stadium ndokubva kwanzi nemumwe mdhara, "Mfana enda undondi tengera ice cream ndobva apiwa $ 2 , Ndokubva anzi utengewo yako sezvo yayiita $ 1 each , Tindo ndokuenda ndobva adzoka achitorova yake ndokudzosera mdhara $ 1 zvikanzi ndasvika kwasara 1 chete.

kubhadharana pa hotera

Mai Tindo was driving, semunhu anga aneta ndobva vatsvaga Hotera yangairipedyo. After 3hrs vamuka vakuda kuenderera mberi nerwendo vakasvika pacounter kuti vabhadhare:
Mai T: How much kurara kwandaita?
Cashier: $250
Mai T: Ahh yakawandisa, deedzai manager!
..Manager comes...
Manager: Ehe ndizvo. 250 because tine maSwimming pool munomu.
Mai T: Handina kuswimma ka ini?
Manager: Imi maregererei? Plus tine vaimbi, tourist attraction, maSports akasiyana siyana
Mai T: Panezvese hapana chandaona ndanga ndakarara
Manager: Maregererei? Hanti manga muri muno zvenyu.
..Mai T vanobudisa chikwama chavo vobhadhara $50..
Manager: Ko imwe $200?
Mai T: Ndakubhadharisai kurara kwamaita neni!
Manager: Handina kurara nemi...!!!
Mai T: Hanty ndanga ndiri muno? Saka maregererei?

Zvidhura zvema dhora ku Binga

Umwe mface aiita zvekugadzira zvidhuura zvemaUS$. Imwe weekend akagadzira zvidhuura zvema$18 achibva ati regai ndiende nazvo kumachonyonyo ekuBinga achiti havangamboziva kuti hakuna $18 yakabatana.

Akasvikopinda mune kamwewo kashop maitengeswa nekachembere achibva aburitsa $18 yake yakabatana ndokutti, "Maswera here gogo, ndanga ndichikumbirawo change."

Gogaz vakatambira mari ndobva vangoitarisa mbichana vachibva vanyemwerera vachiti, "Ndokupa ari ma$9 maviri here kana kuti ma$6 matatu........."

Rondedzero ine mazwi anodarika 120

Yemateacher yekuda kunetsa iyi. vana vanzi nyora rondedzero ine manzwi anodarika 120:

China 15 Ndira 2015

Zvandakaita pazororo


Pazororo reKisimusi ndakafara chose.Vana mukoma vangu vakati handei tinovhima.Takaona tsuro ndobva tatanga kudeedzera tichiti iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo  iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo  iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo iyo  iyo iyo iyo  iyo  iyo iyo  iyo  iyo kusvika taishaiwa ndobva tadzokera kumba.

ndiyani aivata namai baba vasipo

Hanzi nekamwana kuna daddy vako vabva kubasa after 2 months vasipo. Nhai daddy ndikakuudzai akasara achirara mubedroom namama munondipei? Zvikanzi $5. Zvikanzi ishoma, baba ndokuti oo $50. Chikomana ndokutyorera muhomwe, zvikanzi ndini hangu. 

Get nyambo in your inbox!