Find by tag

Bikai nechingwa chabva Harare

Mumwe mkwasha akatema huni parufu akazoona veHarare vakungoiswa mberi pazvese kwakubura huni pamoto akati bikai nechingwa chabva harare huni dzangu ndatora

Ndiyani anokuti 'Beautiful' pakati peusiku iyeye?

Veduwe zviri mudzimba zvakaoma. Mukadzi nemurume vakarara fon yemukadzi iri pacharge. Time yava around 0000hrs murume akamuka anzwa fon yemukadzi ichirira kamwe kasound. Paakaitarisa akamutsa mukadzi. Murume ndokut kumukadzi wake;" Ndianiko anokutumira message yekuti BEAUTIFUL pakati peusiku kudai"? Mukadzi akabva apindura murume wake nehasha zvikanzi,"Kana musingachaoni endai mundoparwa maziso baba, pakanzi BEAUTIFUL here apa kana kut pakanzi BATTERY FULL?"

Kurumidza kusvipa!

Mumwe muface aifamba nemukadzi wake, vachibva vaona musikana akanakisa. Muchinda akabva amedzera mate mukadzi wake akazviona zvikanzi.."Kurumidza kusvipa!"

Munhu haana chakanaka!

Maitiro evanhu vanegodo 

  1. Nice car - achaita accident pluz inodya fuel mota yacho 
  2. Rich family - vane chikwambo 
  3. Loving husband - akadyiswa
  4. Gain weight - ma ARV arikumubvuma wena 
  5. Loose weight - arikurwara chakamubata 
  6. Good marriage - havambopedza gore varivese
  7. Promotion at work - anodanana na Manager
  8. Look good - akwereta hembe
  9. Mukadzi akageza - anoda varume inzenza
  10. Build a nice house - achafa akaisiya
  11. Start a new project - hazvina kwazvinosvika.

Saka munhu woita zvipi?

ndofira munhu wehuchi

Ndasongana nevamwe mai vachitengesa huchi $3 kagaba . Ndatenga 1 chete asi semunhu anga achida hwakawanda ndabva ndati ndipei phone dzenyu kuitira kuti ndawana mari ndovafonera. Ndadzisaver mufoni kuti Honey . Nditori muchipatara so muviri wose wagochwa ...