Find by tag

Chimuregererai, ndamu bamura musoro

Pane imwe mbavha yakange yaba hembe kumaflats ekumagaga kwa coffe man.  Vanhu vakatanga kuidzingirira, iyo ikati zano, ndokubva yamhanyira kwamukwisi ndokupinda mumvura.vanhu vakatanga kukanda matombo murwizi imomo. Mbavha yakabva yabvisa bhurugwa ndousimudza magaro mudemga. Vamwe blazo vaiva mberi ndokutanga kuimba vachiti: "chimuregererai, ndamu tsemura musoro"

Manje waibatira payi?

Baba vaigeza parwizi nemwana, mwana achibva atsvedzera mumvura ndokubatirira oder yamudhara achibva abuda, baba kwava kutanga kuseka unstopable, zvikanzi nemwana:
"Asi muri kuseka kuti ndatsvedza here?" Baba ndokuti:
"Ndiri kutoseka kuti dai wanga uchigeza namai vako waibatirira pai"

Wakurunga here?

Rimwe benzi rakatenga sugar 20kg, rikadira murwizi. Rakabva ratanga kunwa mvura rikanzwa isinganaki, rikabata musoro rigere pasi richichema.
Pakabva pasvikawo rimwe benzi, rikabvunza kuti unochemei? Iro rikati ndadira 20kg yesugar murwizi asi mvura haisi kunaka. 
Zvikanzi iwe unenge unonyanyisawo kupenga! Wakurunga here?

Get nyambo in your inbox!