Find by tag

Murombo haarovi Chinenguwo

Ndakasvika pakaungana vanhu ndikati paneiko, wanike ndiChinenguwo naMurombo vari kurwa. Ahhh, Murombo akakanda chematsenganzungu, Chinenguwo ndobva anzvenga, Chinenguwo achibanha Murombo nembhutsu, Murombo achiwira kwakadaro uko. 
Chinenguwo ndokuzogara pamusoro paMurombo ndokutanga kumutsonda nezvibhakera kusvika asarenda.
Chokwadi musi uyu ndakaona kuti Murombo haambofa akarova Chinenguwo

ndatya kuti pamwe ndo baba vangu

Mumwe murume akabata mukadzi wake nechikomba. Akarwisana nechikomba chakabva chamukurira. 
Mwana wake mukomana aivapo asi haana kubatsira baba vake, akangoramba amire zvake. Baba vakamuti sei warega ndichirohwa usingandibatsire? 
Zvakanzi ndaona kuti amai ihure. Ndakarwisa chikomba pamwe ndoo baba vangu chaivo.