Find by tag

Dhongi Rangu

Dzimwe dziblaz manje, somewhere kumamisha-misha ikoko, dzakauya
nedhongi radzo pane chimwe chitoro. Dziblaz idzodzo dzainge dziri
dziya dzekungoshatirwa neboys. Dzikati dzasvika pachitoro nedhongi,
vhadzasungirira dhongi riya pamuti. Dzikavha dzati, 'Eh, vapfanha!
Mukabata dhongi rangu...tinoonana!'
Dzadaro, vhadzati muchitoro dhezu. Dziri imomo, imwe giant ikati
yauya, ikatarisa dhongi riya, vhayatora pendi yewhite, kwaakupenda
dhongi riya rese kuti re. Blaz dziya manj', vhadzabuda mustoro
vhadzaketa kuti dhongi raita by the white, dzikatanga kuthreatena
tuvapfanha dzichiti 'Hey, ndiani wapenda dhongi rangu?'
Giant riya manj', vharasimuka rakabata pendi netini mumaoko,
rikati 'Ndini!' Blaz dziya dzikati 'Ah, ho-o, ndaida kuti muziye kuti
raoma!'