Find by tag

Wasu wabatwe nge confusion

Wasu aibva kwamtre ari mubhazi, inini ndakagara kuwindow wasu vari nechekupassage vakabata zinhanga mumaoko. Bhazi rati fambei fambei wasu hope dzakabata vachipota vachida kudonha ini ndokunzwa tsitsi ndokuvati huyai mugare nechekuwindow ndokubatirai nhanga renyu. Takachinjana asi handina kuziva kuti zvataiita izvi wasu vanga vari kuhope vaingobvuma. Patakazoti tave muRuwa wasu ndipo pavakazoti pepu vakaona vakagara kuwindow ini ndakabata nhanga zvikavanetsa,inzwa mubvunzo wavazondibvunza.
WASU: Excuse me amuna wee, ndavisitirwa ngeconfusion ndingabvunzawo ere?. 
ININI: Bvunzai zvenyu.
WASU: Handisi kuziwa kuti imwimwi ndimwi inini ere kana kuti inini ndini imwimwi?

Get nyambo in your inbox!