Find by tag

musiyano wekupenga nekupusa

Vamwe boss vai mhanyira ku meetting mota, yavo ndokubva ya ponja. Pavakati vaise spare wheel, vabvisa raka ponja riye, mabhaudhi akabva awira muDrain. 

Boss vakabva vagara pasi vakabata shaya vapererwa nemazano kuti zvino voitasei

Pakarepo pakasvika benzi raifamba richinhonga muma bin rakapfeka marengenya akasviba ndokuti kuna Boss vaye :

Benzi: makadii henyu
Boss : mushe ibva pano!
Benzi: ko ndikubatsirei
kusunga vhirika?
Boss: hazviite coz mabhaudhi hapasisina awira mu drain.
Benzi: pamavhiri enyu matatu asara madii kubvisa bhaudhi 1 apa 1 apa 1 mosunga vhiri muone kusvika kwemuri kuenda

Boss vakashamisika ne idea yakadaro ndokuti:
Boss: zvaunenge unopenga wani ko izvi wazvifunga sei.
Benzi: Kupenga neKupusa zvakasiyana vakuru vangu! Ndinopenga but handina kupusa semi