Find by tag

Kuwudzana mashoko erudo

Madzimai EkuChurch Paruwadzano..

Pastor: Makapedzisira riini kuudza varume venyu kuti "ndinokuda"
Madzmai: Nezuro b4 bed, nhasi kuseni ndaakubuda, manheru, haa daily etc.
Pastor: Shuwa shuwa here madzmai?
Madzimai: Shuwa pamberi paMwari!!!!
Pastor: Ok.Torai mafon enyu.Mumwe nemumwe ngaasende msge yekuti "Ndinokuda" kumurume wake.

Vese vakasender.

Pastor: Chichinjanai mafon enyu makagarisana kudaro.Vese vakachinjana.
Pastor: Mumwe nemumwe achaverenga mhinduro ichauya pafon yaainayo iyoyo ngatitererei tichinzwa.
Mhinduro dzakatanga kunaya kubva kuvarume vemadzimai eruwadzano. Imi woye:

  1. Asi warasika ??
  2. Aaa ndiyani wangu uyu??
  3. Aa muri kurota here??
  4. Zvaitasei??
  5. What do u mean??
  6. Asi urikuda mari??
  7. Usade kundinzwa wanzwa!'
  8. Asi waroveresa mota yangu kanhi ?
  9. To hell wanzwa!!
  10. Ndiwo majokes andisingadeee!!
  11. Mesge ngaidzokere kumuridzi wayo iyo!!
  12. Uchafa nekurohwa nhasi, pfambi yemunhu, uchandiudza hako manheru kuti message iyo ndeyani?
Garai muchiudzana mashoko erudo veduweee .