Find by tag

bhinyadette

Pliz help me even kundikandirawo panhepfenyuro.

Ndakaroorawo mukadzi ane chigandanga chemurume. Bhinyadette chaiye. Ah pataidanana aitoita sebhebhi bho but tava mumba haa bhinya rekwaani iroro. Mumba umu zvinhu zvake zvese ndezve energy. Haana basa rinonzi nderemurume. Magetsi akafa anotora ma screwdriver unomuwana ari busy kukanika. Globe anochinja ega. Kana dish rikarasa network anokwira padenga ipapo oita ega. Takaenda kumusha kwedu kwaMurehwa akasiya vanhu vakamira hoo. Akatsemura huni zvekuti vanhu vese vanga varipo vakashama. Pedzvezvo takaenda kumunda kunosakura tese takasara kumashure iye ari mberi. Kana pa fight hatisati tarovana zvedu asi ndakutotya kuti musi wacho ukasvika handimire ipapo. Munhu wacho here haaite. Ndoona kunge anoputa mbanje ini. Kana zvakaoma mumba anotora mota ono pirater ega. Kutaura feya ndakumutya ndakuona kunge ndakaroora Caster Semenya saka ndafunga kutizira ku joni. Ndinganzi ndatadza here?

Pliz help.

Get nyambo in your inbox!