Find by tag

kukara nyama

Mukwasha CHITOVA*akashanya kwaambuya. Ndokuti ndoda kutenga mbudzi tiiuraye ambuya vakati vauya zvakanaka, apedza kuvhiya akapuhwa room yekugara sadza richibikwa. Raibva, ambuya vakatuma kamainini nesadza but muine nhindi mbiri bedzi dzenyama. Apa shasha yanga yatotaura kare kuti mangwana makuseni inenge ichirova pasi, akagaya kuti pambudzi yese ndodya 2 pieces chete kana. 
Chitova vakabva vatora newspaper kwakuri batidza kwakufamba achivheneka kuenda ku kitchen. 
Ambuya pavakaona moto vakati chii Chitova, kwakanaka here?
Zvikanzi ndirikutarisa kuti vana havana kufamba vachirasa nyama here vasvika nembiri chete. 
Zvikanzi na ambuya chiregai, unzai plate ndiise imwe.