Find by tag

Nhamo yemuroora

Nhamo yemuroora:

Aite mudiki - Haa kakanyanya kuita kadiki, kachamuhurira

Akure - Mukadzi uyu mukuru achamutonga.

Anyarare - Mukadzi waGoddie akati kwindi.

Ataure - Akachenjeresa pamuromo pake hapamharwe nenhunzi.

Awonde - Mukati Goddie haana kutitorera murwere imi? 

Asimbe - Ringatadze nei kufuta richiswera rakangoti pweshe? 

Agare natete - Akatorera mwana wangu Angela kuti amuite musikana webasa.

Arambe kugara natete  - Haridi vanhu kumba kwaro kunge ndiro rinoshanda.

Abikire muenzi tea - Asi anopenga nhai imi? Tea, isu taswera nayo kudai?

Abike riri sadza - Zvakaoma asikana, munhu wandanyatsoudza kuti ndamukira bhazi? Ari kuti tea ndainwira kupi?

Abvunze kuti ndokubikirai chii?  - Kunyima ka uku, mweni anobvunzwa?

Atumire vana kumusha - Ho, isu tisu tisina zvekuita, atumira vana kuti iye asare achibatei?

Arege kutumira vana - Ah, anomboda kuti vana vake vauye kuno? Pamwe zvinonzi tingazovaroya.

Agare mazuva mashoma kumusha - Maiwe kanomboda zveruzevha? Nungo dzega dzega

Agarise kumusha - Anotozoenda ameka shuwa kuti tushuga twaakauya natwo twapera.

Atambe chiramu nababamunini - Matambiro ake naSydney ndeechihure. Achatibatira mwana takatarisa. 

Arambe kutamba chiramu - Mukati haana zisekuru rakamugara? Munhu asingadi kana kugumwa nemuramu wake?

Atumire grocery - Anoziva sei zvandisina? Adii kutumira iri mari ndatenga ndega?

Atumire iri mari  - Shuwa munhu anonyatsoziva kuti kuno zvinhu zvinodhura asi ndopaanotumira mari, adii kutenga ikoko otumira riri grocery?

Ashaure panhamo - Aiwa kuvhengezera tinokuziva isu, apa kuimba kwacho haakugone.

Anyarare panhamo - Iii, makaonawo makwindimariro aainge akaita parufu rwasekuru Agripa akati dzvondo kutarisa chitunha?

Auye kuzobikawo doro nevamwe kumusha  - Zvakaoma munhu wechurch anosanganisa

Arege kuuya - Haadi kubatirana nevamwe.

Aite tsika - Ummm mukati haana kumbenge akaroorwa kumwe iyeye? Zvese izvi anozvizivira kupi?

Arege kuita tsika - Haana kana kurairwa.