Find by tag

Type dzevanhu vepa whatsapp

Type dzevanhu vepa whatsapp:

1. Mr/s NYADZISAI. 
Ava havana chimwe chavanofunga kunze kwekutumira zvinyadzi. Kana vava kuda kutaura zvinemusoro vanotoita zvekufona chaiko. Shame !!!

2. Mr/s FOWARD.
Chese chasvika paari anotonzwa kuti dai angoforwader. Zvingava zvaMwari kana zvana Mai Nyadzisai anongofowarder chete. Makuhwa ndopamusha pawo ipapa. Zvakakuomerai veduwe.

3. SEKURU NAAMBUYA NDIONEI.
Kana vari ava iiii ndavatadza. Hameno akavanyebera kuti vakatsvuka kana kuti vakanaka ndiani. Basa kuchinja maprofle pic every day. Tinokuziva kuti ndiwe Mary , Simba, Chipo kana kuti Peter nyangwe pasina pic. kkk zvimwe unonyanya.

4. ZVICHEMO.
Kana ari uyu anotori neshavi chairo.Chese chaitika mulife yake anototi aise paStatus. Hee ndarambiwa, hee handina mari, Mwari vakukomborere, hee apa pangu ,ichi changu. Taneta nezvichemo zvako tinadzowo nhamo dzedu asi takanyarara.

4. DOCTOR IGNORE.
Ava ndikutofunga kudelater nhamba dzavo. Kuvamhoresa vari online havapindure . Kana watoita lucky i one word answer. Havafe vakatanga kuti ndeipi.

5.SEKAI. 
Uyu anotopenga chete. Mhinduro dzake ma kkkkkk chete even asati averenga anenge ato typer maK kudhara.

6.SHATRICIA.
Kkkk idzi ndidzo shasha dzekushata. Hapana kana zuva one raanomboisa pic rake . Nhasi Beyonce mangwana Rhiana .Sory

7. SHYLET.
Very shy nepawatsapp pese .Haafe akataura nyaya yake nekunyara. Basa kucommenta kuti nyc profile pic but iye achida kuti i luv u ..aaa unozviruza apa

8. MR/S RIGHT.
Muvangwarire ivava. Ukadanana naye a nogara akaisa pic rako paProfile kuti usaita dzungu. Isu tinenge tichitoudzwa kuti aaa mutwin brother wangu, hee ndiSekuru .ko ndozobvunzirei zvakawanda kana ndachansa ,ndogodyawo ndakanyarara. Ukapusa anokuvhara achidyisa munda wese nesu makudo asingatyi kusheya.kkkkk

9. MR CAREFUL. 
Ava vakatopenga .u never know kuti chii chirikuitika pavari. Haafe akaisa pic yelover yake parofl. They are somehow clever coz havangoise ise. Ko akakuisa nhasi mangwana morambana anozoita sei.? Anenge akutorambiwa zvichinzi kowawaimboisa aripi.

10. Mr/s ONLINE.
Ava havambotorara kana kugeza chaiko. Ndivo vakaimbiwa naNox always online.

Get nyambo in your inbox!