Find by tag

Ndichapa sekuru mukaka wako

Mdhara Serebhu ari mubhazi achibva kubasa akuenda kumba kwake kuWaterfalls akagara paside pemukadzi arikuyamwisa mwana wake apa mwana arikuramba kuyamwa. Mai vaye vanotyisidzira mwana wavo vachiti, ''ukaramba kuyamwa ndichapa hangu sekuru ava mukaka wako'', Bhazi ratifambe fambe vava paroundabout mwana uye achingoramba kuyamwa mai vaye vanopamha zvakare kuti, ''yamwa iwe ndisati ndapa sekuru awa'' , ipapo Mdhara Serebhu anotarisa kuna mai vaye obva ati , ''ambuya rongai zvinhu zvenyu ka1 kana muchindipa ingondipai izvozvi zamhu racho ndiyamwe, hangu mabvira kudhara muchingoti muchandipa zvino ndakangogara muno apa ndanga ndichifanira kuburukira paZindoga'

Get nyambo in your inbox!