Find by tag

Ingadayi yava dhora fifty

Sekuru vakatuma muzukuru ne50cents kundotenga coke. Muzukuru ari munzira mari yakabva yarasika ndokutsvaga asi akayi shaiwa. 

Gare gare sekuru vakaita follow up ndokuwana mzukuru achingo zeya zeya ndokubvunza kuti zvaita sei, zvikanzi "mari yarasika". Sekuru vakabva vatanga kupopota vachirova mzukuru zvakaita kuti apedzisire akudzorerawo. 

Vari mutsumburumbu iyi, pakabva pasvika pastor zvikanzi munorwirei ndobva vaudzwa. Zvikanzi na pastor "mungarwira 50cents?", vachibva vapa $1 kuna sekuru. 

Pastor vava kuenda, vakangotii fambei zvishoma nyonga nyonga ndobva yatangazve! Zvikanzi zvaita sei futi? Sekuru vakabva vati "mzukuru arasa coin rangu!"  Pastor vakabva vati  "inga ndakupai $1 wani?"

Sekuru vaya vachibva vati "Ingadai yave $1.50"