Find by tag

Ndakadya guru

Yekudhakwa yakaoma! Mumwe mukomana akatenga guru ndokurisiya kumba nekuti magetsi ayenda. Akadzokera kubhawa ndokuzofunga kunobika pakadzoka magetsi, asi light rakabva ratsva. 
Apinda mumba akabatabata pa table ndokutora guru rake ndokucheka cheka ndokuisa mupoto. Akaisa ma onion nemadomasi kuti zvinyatsoibva zvose. 
Chakamunetsa ndechekuti rakaramba kuibva kusvikira apakura rimwe ndokudya zvakadaro achiti iguru rebhuru rachembera. 
Ava mangwnani, akashanyirwa ne musikana wake iye asati amuka ndokuudza musikana kuti abike kasadza ke bhabharasi nekuti akasiya usavi manheru.
Musikana apedza kubika sadza, ndokuisa kapoto keusavi pastove. Paakavhura poto wanei mapisi 7 e towel rokugezesa zvakanyatsosangana nemadomasi. Musikana ndokubvunza mukomana, "wakadya nei mamheru", zvikanzi neguru. Mukomana akazoti ava kundoogeza, wanei guru riri mu shower rakatocheneruka sipo.

Get nyambo in your inbox!