Find by tag

Tsamba kuna Tezvara kubva kuMukwasha

Rudo Maone Pry School
P.O.Box 20
Kutsemuratsomo

31 Mbudzi 2015

Kuna Tezvara
Baba shoko renyu ndarinzwa uye randibaya moyo,mari yamareva handina kwandoiwana ndaiti zvimwe ndikarima bindu ndingapunduke dzoke heatwave youraya mbeu.

Ndakati ndinoforera kumugodhi wanikwe ndarama yarambira muvhu.Ndakaita zano ndikajoina Education head count ikati unonyepa basa rakapera ndarovha kuendesa mombe kudhibha.

Apa ndanga ndagaya kuita mupurisa kana musoja wanikwe bonus hakuna apo school fees,loan nezvikwereti hazvizivani.

Pfuma yenyu ichauya kana bonus yangu yauya pasina izvozvo kanganwai zvenyu.

Vakadii vanamainini nambuya,ndangobvunzawo handina kuti vauye kuchristmas nokuti kunowo hakuna chekubata.

Chisarai nefungidziro kuti pazvinodai pamuti munyoro ko wakaoma Kkkkkk zvakaomera mushandirwi ko iwe mushandi funga nezvazvo

Ndini wenyu mukwasha
Baba Fungai

Tongai Pitikoti

Get nyambo in your inbox!