Find by tag

Kuverengerwa tsamba

Mazuva andaishanda kuHowmine Gumede ndiye chete aigona kuverenga saka tsamba dzose dzaiuya ndiye aiverengera vanhu. 
Chakazonetsa Gumede aizoshaya hunhu pakuverenga tsamba kunyanya dzaive namashoko orufu aigona kungoti, "Chimuti mai vafa inda kumusha","Jairosi baba vafa inda kumusha,".
Vanhu vakazomunyeurira kuti aitewo hunhu pakuverenga tsamba. Chishanu chakasvika ndokubva averenga tsamba akabva ati, 'munhu wese anambuya kumusha ngaasimuke', gurusvusvu ravanhu rakabva rasimuka iye akati: "Mudavanhu gara hako pasi hauchina mbuya!!"

Get nyambo in your inbox!