Find by tag

Kablazo kaka birwa watch mu bhazi

Hanzi kamwe kablazo kanga kakaonda moto kakabirwa watch yako pa'pressure' yekukwira mubhazi. Kakwira mubhazi kakamira padoor ndokudaidzira kachiti, "aba watch yangu ngaadzose kana kuti ndokurovai mose." 

Hapana akadaira saka kakabva katanga kurova munhu wese anga ari mubhazi umu mambama. Kakasvika panerimwe zi-giant rakanga ririmonya moto, ndokuriti mbama, mbama. Giant
rakasimuka ndokudaidzira kunadriver kuit amise bhazi. Vanhu vakatanga kuombera
maoko vachidaidzira kuti nhasi kablazo kavekuzosotwa.

Giant rakabva ramira padoor rebhazi rakamisa mamhasuru richidaidzira richiti , "Kana pane  aba watch yemuchinda uyu ngaamudzosere vanhuwe, mungatikuvadzise."

Get nyambo in your inbox!