Find by tag

Chirungu chakauya nengarava - favourite dish

Umwe mukomana akayendesa musikana wake ku restaurant. Yasvika nguva yekuisa order, mukomana akabvunza mudiwa wake achiti:
Mukomana: ''Babe, what's your favourite dish?''
Musikana: ''wiztech''.
Vanhu vakazvinzwa vakabva vakafa nekuseka, zvikanzi nechisikana chiya:
Musikana: ndiri kutamba zvangu iDstv kani''

masasi ekupenga: nyama kana kuti mince

Bhaibheri rinoti murume nemukadzi vachava nyama imwe. Saka kana iwe wasangana nevakadzi hobho ichiri nyama here or mince

masasi ekupenga: noah ne huku mu ariki

Imagine dai Noah akadya huku 1 muArk nhasi kungadai kusina KFC, Chicken inn kana Chicken Slice

Kudavira kunoita vechikadzi kana mufundisi ati halleluya

Kana muri muchurch mfundisi akati Hallelluya tusikana tune 10-15 yrs tunoti Amen.

Vanenge vaanetarisiro yekuda kuroorwa vane16-25 pakanzi Hallelluya vanoti a man.

Vanenge vakurisa vasina kana anomboti cc mirayipo pakanzi Hallelluya vanenge vakutiwo any man.

Vanenge vakwegurawo vasisina tarisiro yekuroorwa nokuda kwekushayisisa akamboti cc kubvira vachiri mhandara chaidzo pakanzi Hallelluya vanoti Aaaaaaamenoo.

Ndaka shanda makore mazhinju nemufi

Parufu chikafu chashomeka. Mutauri ndokuti " hama dzadiwa chikafu chedu chapera saka vachadya ihama dzapedyo" umwe mudhara ndokusimuka ndokuti " Ini ndiri umwe wevachadya sezvo ndakashanda nemufi kwe 14 years pasina kana kutukana" umwe ndokudhonzera mudhara pasi zvikanzi, "Iwe, mufi mwana anga ane  2yrs".

Ayini yepa next door

Vakomana nezuro ndakanokumbira ayini yepa  next door ndikanzi chingoayinira pano zvino nhasi iye andikumbira mop ndikati mopera muno,ndakanganisa here

Ruzha ku garage rekwa Mhunga

"Ndati ndichipfura nepa garage rekwa "Mhunga" ndanzwa pachifiwa nekuridzwa muridzo ndikati regai nditsauke ndinzwe kuti chii chikutora nzvimbo ndabvunza security guard kuti chii chikuitika zvikanzi  pane interview yemahwindi!

Kupfekedza mwana napkin pachirungu

AMAI: Nhai baba vemwana kupfekedza mwana napukeni muchirungu kunonzi kudini?
BABA: Haa apa ndakaroora mukadzi zidofo chairo.
AMAI: Tiudzeika imi makadzidza.
BABA: Kutadza kungoti kidnapping

Wasu: Danga rehwai

Kwaya master akanzwa discord mukwaya yake vachimba kambo 'Danga rehwai'. Ndobva ada kutsvaka chikonzero. Akati vaimbi vaite mapoka nenzvimbo dzavanobva. 

MAZEZURU : Danga rehwai dangarehwai imwe yacho yarasika-a-a! 
MASVINGO (Wezhira) : Danga regwai danga regwai rimwe racho rarashika-a-a !  
KOREKORE : Danga rlohwai danga rlohwai  rlimwe rlacho rlatayeka-a-a !  Munofunga wasu akaimba achitivo kudii ? 
WASU: Mukraal resheep kraal resheep imweni yaitelost ,mukraal reshe-e-e-p !

dzimufushwa

Ndanga ndiripaborder nhasi vamwe baba vabatwa nembanje vakanyepa kuti mufushwa mapurisa akavapa cooking oil, poto nesalt kuti vabike. Vapedza kudya ndobva vati ndandisingazive kuti kana dzabikwa dzinonaka, zvikanzi nemapurisa dzii, vakati "dzimufushwa"

samutoko - hura hwe huku

Samutoko vachitengesa huku nematumbu
acho vachidaidzira havo murokesheni pa
Glen view apo
Zvikanzi; 

"Ndino hura! nohuku!"
"Ndinohura nohuku"

Torai neka bhuku...

Manheru a nezuro pane katuckshop kari kumaraini kwangu kakapazwa nematsotsi ndichiona. Ndaitotyawo asi chandakango kwanisa kuita ndecheku dedzera kuti 'torai ne ka book ke zvikwereti...'

Masasi ekupenga : kuendeswa out

Hanzi kune mamwe ma babie anoda kuendeswa out every week kunge bin! 

Ma donations e swimming pool

Pane mwana wechikoro asvika pamba pangu achida madonations, hanzi pachikoro parikuda kuvakwa swimming pool.hameno kana ndagona ndamupa 20 litres dzemvura.

Roorwai nguva ichiripo

Vasikana  roorwai nguva ichiripo nokut hachisi chikafu choga chinotengwa munhu achitarisa expiring date....Ngwarira kuexpire uchiti ukudya mafaro iwe uchipera value kunge chihuta .

Get nyambo in your inbox!