Find by tag

masasi ekupenga - nhamo inenge magaro

Nhamo inenge magaro. 
Vamwe vane mahombe vamwe madiki asi hapana asina 

kuba nyama mu Butcher pakainda magetsi

Vakapinda muButcher vaNcube vachida kutarisa maPrice enyama. Sezvineiwo vachingopinda magetsi akabva aenda. 
Blaz vaka sekerera, vakati zvangu zvaita. Ndoku tsvanzadzira tsvanzvadzira ndokubva dzanzwa kuti ndabata chinhu, ndokutora, ndobva dzaisa mu bag. Idzo, speed dzakananga pa den. 
Dzakasvikowana mukadzi atobika derere, zvikanzi rasa tsvina idzo utore special meat mubag umo. Mukadzi akati zvaitwa Ncube, ndiye kutuu derere rese mubhini. Achinovhura bag riye, wanei mune CHIKOROBHO

zvichaita ndimuke chipok

Mukazoona ndomuka chipoko zvimwe zvacho ndeizvi:

1. Kundiisa paprofile picture ndafa
2. Kuchera guva zvakanyanya kudzika
3. Kuimba muchiita kunge mukutonakidzwa nekufa kwangu
4. Kudya rice parufu
5. Kuuya nemazifoni enyu muchindipikicha, ndipikichei izvezvi
6. Kuisa guva rangu kumapeto
7. Kunditi "famba zvakanaka" kuendepi?
8. Kusanamatira kuti ndimuke
9. Kundidongorera pabody viewing uri kure
10. Kungoseka seka panhamo yangu.

whatsapp - group rema fallen politician

Group rema late politicians:

Tsvangirai joined using invite link

Muzenda :  aaah ko mfanha iwe iwe ukubatei muno😳
Tsvangirai : haaa ndazongodonhedzwawo varume
Nkomo : haa you were very young mfanha
Gen. Mujuru: ko mugabe wamusiyepi
Tsvangirai : aaah mugabe haatouyi zvemukunhanya aitotaura zvekusvika pa zana chaipo
Tongogara : aisve😂😂 ko mugabe  achiri kungotonga
Tsvangirai : haaa hakuchina   kwava na munangagwa
Nkomo : hezvo dambudzo here?
Banana: 😂🙌🏻 haa zimbabwe so
Tsvangirai : haa� matakanana dai makarenga nyika ine mabhunu henyu

Mbuya Nehanda removed Tsvangirai

pekuvata pakanaka panodiwa

But pekuvata pakanaka panongodiwa guys. Makamboona here kut Nyaradzo neDoves pazvakatanga kugadzira macoffin ane comfort mukati zvipoko💀 zvava zvishoma*.

masasi ekupenga - KWESE TV

Ukaona imba yakaturikwa KWESE dish ibva waziva kuti panotongwa nemukadzi

Kkkk dish risina bhora unoridiii?

kusiya hwahwa muna january

Ini hwahwa ndoda kusiya se new year resolution asi dambudziko mozoti ndakasiya hwahwa ne January disease. Saka ndichambochovha ndozosiya Muna March. asante sana

Whatsapp yava kupengesa vanhu

Zvakaoma zvemunyika.Ndasangana nevamwe sisi makseni zamhu rimwe chete riripanze vakatakura Handbag apa vari busy paWhatsapp ndavabvunza kuti indava vachifamba zamhu riripanze ririkurwadza here. Sisi vabva vakanda Handbag pasi vakabata musoro vachiridza mhere ndashamisika ini ndikati indava sisi ,vakati ndakangamwa mwana Mukombi.

Whatsapp nikisi mani

masasi ekupenga - mabhuru maviri

Ukasvikira mukadzi aripanyaya nevamwe vake achiti 'Ndotoda mabhuru maviri kuti ndigute' usafunga zvisina basa

Inguva yemango ino

Letter to Mugabe from Malayitsha Association of Zimbabwe

Bongwe D Ncube

Dear Baba Mugabe

Thina njenge Malayitsha Association of Zimbabwe sithi we are very disappointed with your decision to resign, you know besisidla ngokuwa kwelizwe, sabaleka eskolo salayitsha impahla sithwala ama boarder jumper, now things will fine in Zimbabwe sizoyenzani

Please rethink khulu siyacela think about our Quantums and our leather jackets instalments

Regards 
Omalayitsha

masasi ekupenga - Mugabe anofadza vanhu

Uyu murume anoziva kufadza vanhu. When he took over in 1980  vanhu vakafara, when he left in 2017 vanhu vakafara futi

kwaziso after operation restore legacy

Hello ku ZBC here ndokumbira kukwazisa Sekuru vangu Mugabe vari kwaZvimba ndozo kwazisa mbuya Gire vasikuzivikamwa kwavari. Ndoda kuvatenda nekusunungura nyika kwavakaita muvaridzireo kambo kubva kuna Macheso kambo kanonzi "Waitangirei Musindo"

masasi ekupenga - kuturunura mapic a bob

Mabasa atotanga kuwànikwa kuri kudiwa vanhu varefu vachafamba maOffices vachiturunura mapotraits aMugabe

masasi ekupenga - adzoka

Ndapepuka ndanzwa vanhu vachideedzera kuti adzoka hana yangu yarova ndichiti ndiMugabe ndazofara ndanzwa kuti MAGETSI

mazita anotanga naChi - Chinoz

Hanzi naChinotimba mazita anotanga naChi-/Ch- anogona kuitisa mamillion ukapedzisirwa wasungwa naChiwenga
  • Chombo
  • Chiyangwa
  • Chipanga
  • Chihuri
Wopedzisira wapaChikurubhi

Kubva nhasi ndaakunzi Tinotimba or Cde Tinoz

Get nyambo in your inbox!