Madzimai EkuChurch Paruwadzano..
Pastor: Makapedzisira riini kuudza varume venyu kuti "ndinokuda"
Madzmai: Nezuro b4 bed, nhasi kuseni ndaakubuda, manheru, haa daily etc.
Pastor: Shuwa shuwa here madzmai?
Madzimai: Shuwa pamberi paMwari!!!!
Pastor: Ok.Torai mafon enyu.Mumwe nemumwe ngaasende msge yekuti "Ndinokuda" kumurume wake.
Vese vakasender.
Pastor: Chichinjanai mafon enyu makagarisana kudaro.Vese vakachinjana.
Pastor: Mumwe nemumwe achaverenga mhinduro ichauya pafon yaainayo iyoyo ngatitererei tichinzwa.
Mhinduro dzakatanga kunaya kubva kuvarume vemadzimai eruwadzano. Imi woye:
- Asi warasika ??
- Aaa ndiyani wangu uyu??
- Aa muri kurota here??
- Zvaitasei??
- What do u mean??
- Asi urikuda mari??
- Usade kundinzwa wanzwa!'
- Asi waroveresa mota yangu kanhi ?
- To hell wanzwa!!
- Ndiwo majokes andisingadeee!!
- Mesge ngaidzokere kumuridzi wayo iyo!!
- Uchafa nekurohwa nhasi, pfambi yemunhu, uchandiudza hako manheru kuti message iyo ndeyani?
Garai muchiudzana mashoko erudo veduweee .