Find by tag

kuja no liver

Mukwasha wekuMalawi akashanyira vanatezvara kwamutoko ..Akange akagara pachivanze natezvara wake nyaya dzakanga dzapera

mukadzi wake ainzi violet ..( ne accent ) zvikanzi baba manakiro anoita vhaireti kanaariwo manakire anoita mai vake , imi neni tiri kuja no liver, handisi kureva rivha yaku flowa ndiri kureva liver yapakati.

Bhingo, ibvapo!

Tezvara vakange vakagara nemukwasha vachidziya zuva. tezvara ava vakange vaine mbiri yekusura.

Pane imbwa yainzi bhingo yakange yakazvirariwo zvayo. tezvara vabva vati bhuu kusura.mukwasha ndokuti iwe bhingo. saka tezvara vakafunga kuti tsoro yavo haina kubatwa. tezvara vakati bhuu zvakare .mkasha ndokuti iwe bhingo haunzwe here. tezvara vaenderera mberi ndokuti bhuuuuuuu ..

mukwasha akati iwe bhingo ndati ibva apo unomamirwa.

Jarzin - chinosumudza musoro chashatirwa

Mr Jarzin vakabvunza vamwe ambuya mubvuzo....zvikanzi amai for $ 50.00 chii chinoti kana chashatirwa chinosimudza musoro...ambuya vakati ndinonyara mukwasha ....aaaa ambuya munganyare mari here. vakazoti imbo#@ mukwasha

Anotonakirwa zvake Chipo

Paiva nemumwe mu face akaenda kumusha nechimoko chake kunoona ambuya. Muface uyu aiva nemuzvambu weblambi.Saka rimwe zuva akati achigeza muchinji house blambi ikapoya nepauswa ichienda panze apa tezvara vaiuyawo kuzomama vasiri kuketa kuti mukwasha ari kuvita ndokubva vastepa pablambi .Mukwasha akaridza mhere ,ndokubva tezvara vaketa sichazi ndokurova pasi vakananga kunamaChipo ndokusvikoti maChipo mwana akarooriwa zvake asi ari munhamo .Zvikanzi namaChipo nhamo yekupi ,anotonakirwa zvake Chipo.

Amai vafa

Rimwe zuva murume akadzoka kubasa achifemereka. akaona mukadzi vake achakarara ndokusvikoti " mai mwana amai vafa kumusha." Mukadzi haana kuita hanya nazvo, ndokumuka hake, kutsvaira mumba, kwave kuzoenda
kosaloon kunogadzitwa musoro. Apedza akatenga macabbage  2, loaf rechingwa,paketi yesugar kwave kuisa mupepaper bag. Akadzoka kumba ndokubika sadza vakadya ndokuzoti kumureme ndapedza kugadzirira ngatichiendai. Vakapinda mumotor ngokufamba. 

Chakazoshamisa mukadzi ndechekuti
akaona motor yakananga kumusha kwake iye ndokubvunza kuti "ko iwe amai vafa ndevapi?" zvikanzi nemurume ndimai vako iwe. Mukadzi akashamba akati asi une utsinye vadii kundiudza kare kuti ndevangu. Ndingadai ndisina kupedza mari pa make up uye ndatenga zvinhu zvakavanda. saka chitodzosa motor tidzokere kumbare ndinotenga zvimwe.

Ndinga taurewo na stella?

Inzwa conversation iripano mukomana aida kutaura nechimoko bt changa chisina fone so
akafona pane yamudhara wacho:

Baba: haloo
muface :halo ndingataure wo na stella
baba: ndiwe ani
muface: ndini Kero
Baba: unoti ndiwe Caro anenzwi rechirume manje hausi kuzotaura naye kana usina kundiudza kt ndiwe ani
Muface: inga ndirikutaura wani kt ndini Kerovhini

Chiyi chadonha?

mkwasha akaenda kwa ambuya vake ndokunzi naambuya mkwasha maita mauya sungirirai satelite dish, mkwasha nekunyara kuti haagone akakwira pamsoro pemba pasina nguva ambuya vakanzwa pasi kurira zvine mutsindo, ambuya vakabvunza mkwasha kuti chii chadonha, mkwasha akati ihovhorosi zvikanzi na ambuya ine mutsindo kudaro, mkwasha akati ndiri mukati mayo.

mukaka wakanzi Handy andy

Dear Mukuwasha,

Ndanga ndichiti ndikuzivise kuti grocery ndakariwona asi ndokumbira kuti next tym musanditengerewo mukaka wakanzi Handy andy unoitisa manyoka.

Tsamba ku mukwasha

Tsamba kumukwasha.

Anodiwa mukwasha Todd.Ndinotenda chose negirosari ramakatitengera bt mukaka uya unonzi Handy Andy watikuwadza nemanyoka tinovimba kt mudumbu mavhunduka chirungu, hupfu huya hunonzi Vim hausi kutsengeka zvakanaka asi totenda kuti wakati mbembe kuchena, madhuringi anonzi Sunlight irikupupuma neMukwa haasi kutapira takutowedzera shuga, kozoita tsotso dziya dzinonzi Spaghetti dziri kunanauka ukadziisa pachoto.

Ndipe hembe ndiwache

Bopoto mumba:
Murume - ndaneta newe enda umbonogara kutuma hure twakakuzvara. Mukadzi- Gonai ktaura dadie Murume - haaa haubatsire better uende kutudumba twenyu. Mukadzi - Ungabva wadaro vaberek vangu . Murume - Rongedza twako izvezvi.......... (Phone ringing)
Mukadzi anodaira phone iri pa loud... Mukadzi pa phone: "Hello baba." Tezvara- wakadii mwanangu? Mwana - Ndrinan baba. Tezvara - Ndaisa $1000 mu accnt mako $500 shandsai mumba imwe yasara mogovana ne mukwasha wangu awane yedoro. Mwana - maita basa baba bye. Mukadzi - Wati ndirongedze hembe dzangu ndiite sei? Murume - Ndati rongedza hembe dzako ndiwache.

Bikai nechingwa chabva Harare

Mumwe mkwasha akatema huni parufu akazoona veHarare vakungoiswa mberi pazvese kwakubura huni pamoto akati bikai nechingwa chabva harare huni dzangu ndatora

Tsamba kuna Tezvara kubva kuMukwasha

Rudo Maone Pry School
P.O.Box 20
Kutsemuratsomo

31 Mbudzi 2015

Kuna Tezvara
Baba shoko renyu ndarinzwa uye randibaya moyo,mari yamareva handina kwandoiwana ndaiti zvimwe ndikarima bindu ndingapunduke dzoke heatwave youraya mbeu.

Ndakati ndinoforera kumugodhi wanikwe ndarama yarambira muvhu.Ndakaita zano ndikajoina Education head count ikati unonyepa basa rakapera ndarovha kuendesa mombe kudhibha.

Apa ndanga ndagaya kuita mupurisa kana musoja wanikwe bonus hakuna apo school fees,loan nezvikwereti hazvizivani.

Pfuma yenyu ichauya kana bonus yangu yauya pasina izvozvo kanganwai zvenyu.

Vakadii vanamainini nambuya,ndangobvunzawo handina kuti vauye kuchristmas nokuti kunowo hakuna chekubata.

Chisarai nefungidziro kuti pazvinodai pamuti munyoro ko wakaoma Kkkkkk zvakaomera mushandirwi ko iwe mushandi funga nezvazvo

Ndini wenyu mukwasha
Baba Fungai

Tongai Pitikoti

Mukwasha achifunga kuti agona tezvara

Imagine mkwasha anoona mota yatezvera yaka parkwa pa lodge during lunch time.
Mkwasha obva ati ndoda ku fixa tezvara havanyare kuhura ndokuba car radio. Later kumanheru anoenda kwa tezvara kuno ona reaction yavo . Anoona vachipopota kune mudzimai wavo. 
Mkwasha wobvunza kuti chii nhai baba . Ndipo paunoudzwa kuti mkadzi wako akumbira mota makuseni achiti arikuenda ku church meeting manje adzoka nayo yabiwa radio.

Roora - mkwasha asina mari

Tezvara: Gogoi $10, Makandinzwa nani $10, Matekenya ndebvu $120, Vhuramuromo $300. Chimbobvisai iyoyo mkwasha tichazotaura imwe nekufamba kwenguva. 
Mkwasha: Ndafamba ndisina mari baba ndati ndimbonzwa ma price. 
Tezvara: Urikuti kudii nhai Sinyoro?
Mkwasha: Ndati ndauya kuzotora ma price chete mukaona ndati zii moziva kuti maprice akanyanya. 
Tezvara: Wati kudii? Chibuda uende kumba kwako! Ndozvawatiunganidzira pano tichisiya mabasa? buda!! Kamani out! 
Mkwasha: (rambei akati shikiriri kugara akatsikitsira). 
Tezvara: Uchiri wakagarirei ndati buda! 
Mkwasha: handina mari yebhazi

mukwasha asina chinhu

There was this mukwasha who was so poor aiti akaenda kwa ambuya nevamwe vakwasha kana nyama aingopiwa a bit vakwasha vanemari vachidya hobho. One day vakaenda as usual and he was given almost huku yose and was very happy kuti pamwe they discovered kuti he was the best. After eating akatenda nemoyo wese ambuya zvikanzi ......."Muchitendeiko Huku yacho yakafa yoga Saka ndaona kuti vamwe havangadyi zvakafa zvega"

Roora repa whatsapp

With the advancement of technology things are going to change. Very soon there will be no need for people to gather kana munhu achiroorwa. Simply create a group on WhatsApp " Kuroorwa kwaChipo" Admin Tezvara and Munyayi. Pachingo rohwa ma Ecocash transactions. Matekenyandebvu $100. Mukwasha typing...... yawandisa ndine $10. Tezvara typing.......kkkkkkkk ita serious. Ambhuya varamwa. Ambhuya Left.....

Ndotii tezvara vane dzungu

Guys help me! My wife told me kuti vatezvara varikunzwa dzungu saka manje ndoda kuvafonera ndinzwe kuti vari sei. Zvino ndotikudii?

a) "Maswera sei nedzungu renyu?" OR 
b) "Ndanzwa kuti mune dzungu?" OR 
c) "Razopera here dzungu?" kana ndongoti
d) "Ndimika mune dzungu"
Ndotikudii?

Get nyambo in your inbox!