Find by tag

Bhingo, ibvapo!

Tezvara vakange vakagara nemukwasha vachidziya zuva. tezvara ava vakange vaine mbiri yekusura.

Pane imbwa yainzi bhingo yakange yakazvirariwo zvayo. tezvara vabva vati bhuu kusura.mukwasha ndokuti iwe bhingo. saka tezvara vakafunga kuti tsoro yavo haina kubatwa. tezvara vakati bhuu zvakare .mkasha ndokuti iwe bhingo haunzwe here. tezvara vaenderera mberi ndokuti bhuuuuuuu ..

mukwasha akati iwe bhingo ndati ibva apo unomamirwa.

Anotonakirwa zvake Chipo

Paiva nemumwe mu face akaenda kumusha nechimoko chake kunoona ambuya. Muface uyu aiva nemuzvambu weblambi.Saka rimwe zuva akati achigeza muchinji house blambi ikapoya nepauswa ichienda panze apa tezvara vaiuyawo kuzomama vasiri kuketa kuti mukwasha ari kuvita ndokubva vastepa pablambi .Mukwasha akaridza mhere ,ndokubva tezvara vaketa sichazi ndokurova pasi vakananga kunamaChipo ndokusvikoti maChipo mwana akarooriwa zvake asi ari munhamo .Zvikanzi namaChipo nhamo yekupi ,anotonakirwa zvake Chipo.

Tsamba ku mukwasha

Tsamba kumukwasha.

Anodiwa mukwasha Todd.Ndinotenda chose negirosari ramakatitengera bt mukaka uya unonzi Handy Andy watikuwadza nemanyoka tinovimba kt mudumbu mavhunduka chirungu, hupfu huya hunonzi Vim hausi kutsengeka zvakanaka asi totenda kuti wakati mbembe kuchena, madhuringi anonzi Sunlight irikupupuma neMukwa haasi kutapira takutowedzera shuga, kozoita tsotso dziya dzinonzi Spaghetti dziri kunanauka ukadziisa pachoto.

Ndipe hembe ndiwache

Bopoto mumba:
Murume - ndaneta newe enda umbonogara kutuma hure twakakuzvara. Mukadzi- Gonai ktaura dadie Murume - haaa haubatsire better uende kutudumba twenyu. Mukadzi - Ungabva wadaro vaberek vangu . Murume - Rongedza twako izvezvi.......... (Phone ringing)
Mukadzi anodaira phone iri pa loud... Mukadzi pa phone: "Hello baba." Tezvara- wakadii mwanangu? Mwana - Ndrinan baba. Tezvara - Ndaisa $1000 mu accnt mako $500 shandsai mumba imwe yasara mogovana ne mukwasha wangu awane yedoro. Mwana - maita basa baba bye. Mukadzi - Wati ndirongedze hembe dzangu ndiite sei? Murume - Ndati rongedza hembe dzako ndiwache.

Tsamba kuna Tezvara kubva kuMukwasha

Rudo Maone Pry School
P.O.Box 20
Kutsemuratsomo

31 Mbudzi 2015

Kuna Tezvara
Baba shoko renyu ndarinzwa uye randibaya moyo,mari yamareva handina kwandoiwana ndaiti zvimwe ndikarima bindu ndingapunduke dzoke heatwave youraya mbeu.

Ndakati ndinoforera kumugodhi wanikwe ndarama yarambira muvhu.Ndakaita zano ndikajoina Education head count ikati unonyepa basa rakapera ndarovha kuendesa mombe kudhibha.

Apa ndanga ndagaya kuita mupurisa kana musoja wanikwe bonus hakuna apo school fees,loan nezvikwereti hazvizivani.

Pfuma yenyu ichauya kana bonus yangu yauya pasina izvozvo kanganwai zvenyu.

Vakadii vanamainini nambuya,ndangobvunzawo handina kuti vauye kuchristmas nokuti kunowo hakuna chekubata.

Chisarai nefungidziro kuti pazvinodai pamuti munyoro ko wakaoma Kkkkkk zvakaomera mushandirwi ko iwe mushandi funga nezvazvo

Ndini wenyu mukwasha
Baba Fungai

Tongai Pitikoti

Mukwasha achifunga kuti agona tezvara

Imagine mkwasha anoona mota yatezvera yaka parkwa pa lodge during lunch time.
Mkwasha obva ati ndoda ku fixa tezvara havanyare kuhura ndokuba car radio. Later kumanheru anoenda kwa tezvara kuno ona reaction yavo . Anoona vachipopota kune mudzimai wavo. 
Mkwasha wobvunza kuti chii nhai baba . Ndipo paunoudzwa kuti mkadzi wako akumbira mota makuseni achiti arikuenda ku church meeting manje adzoka nayo yabiwa radio.

Ndini Kero

Inzwa conversation iripano:
Mukomana aida kutaura nechimoko asi changa chisina fone, so akafona pane yababa wacho.
Baba: haloo
Muface :halo ndingataure wo na stella
Baba: ndiwe ani
Muface: ndini Kero
Baba: unoti ndiwe Caro anenzwi rechirume manje hausi kuzotaura naye kana usina kundiudza kuti ndiwe ani
Muface: inga ndirikutaura wani kt ndini Kerovhini

Roora - mkwasha asina mari

Tezvara: Gogoi $10, Makandinzwa nani $10, Matekenya ndebvu $120, Vhuramuromo $300. Chimbobvisai iyoyo mkwasha tichazotaura imwe nekufamba kwenguva. 
Mkwasha: Ndafamba ndisina mari baba ndati ndimbonzwa ma price. 
Tezvara: Urikuti kudii nhai Sinyoro?
Mkwasha: Ndati ndauya kuzotora ma price chete mukaona ndati zii moziva kuti maprice akanyanya. 
Tezvara: Wati kudii? Chibuda uende kumba kwako! Ndozvawatiunganidzira pano tichisiya mabasa? buda!! Kamani out! 
Mkwasha: (rambei akati shikiriri kugara akatsikitsira). 
Tezvara: Uchiri wakagarirei ndati buda! 
Mkwasha: handina mari yebhazi

Roora repa whatsapp

With the advancement of technology things are going to change. Very soon there will be no need for people to gather kana munhu achiroorwa. Simply create a group on WhatsApp " Kuroorwa kwaChipo" Admin Tezvara and Munyayi. Pachingo rohwa ma Ecocash transactions. Matekenyandebvu $100. Mukwasha typing...... yawandisa ndine $10. Tezvara typing.......kkkkkkkk ita serious. Ambhuya varamwa. Ambhuya Left.....

Ndotii tezvara vane dzungu

Guys help me! My wife told me kuti vatezvara varikunzwa dzungu saka manje ndoda kuvafonera ndinzwe kuti vari sei. Zvino ndotikudii?

a) "Maswera sei nedzungu renyu?" OR 
b) "Ndanzwa kuti mune dzungu?" OR 
c) "Razopera here dzungu?" kana ndongoti
d) "Ndimika mune dzungu"
Ndotikudii?

kana usina bubvisa pfuma unoenda kudenga here?

Isaac: Munhu akafa asina kuroora (kubvisa pfuma) anoenda here kudenga?
Mike: Achiendepi iye akambotadza kuenda kwaatezvara.

Tezvara vane mhanza

Ndanyara wena. Ndakagara nababa vemukadzi (tezvara) vane mhanza, kamwana kangu kane 3 years karikuvarova mhanza kachiti: "Iwe sekuru enda kunogerwa zvakanaka buda muno"

Muroora akaresva kugara pana tezvara

Tezvara vachiona muroora akaresva kugara.
Tezvara vairodza banga ukuwo muroora akagara pachair achifurura mashizha emunhanga.
Tezvara pavakaona muroora akashaisha kugara,vakabva vaimba havo vachiti:"gara mushe Shedia muroora,gara mushe Shediaaa."
Muroora paakaona kuti ndiye ayiyimbwa, akabva atangawo kuimba achiti: "hotti property, nyatsocheka masettings, takangodaro, takazvarwa takangodaro, hatirege kuita hunhu hweghetto."

Get nyambo in your inbox!