Find by tag

enda zvako January

Pawakauya uri mutsva vanhu vakaridza mhururu nemheterwa,kongonya nebhamujaivhi zvikasendekerwa iwe.Munhu wese akatubwida nemufaro achikufarira.Musi wacho wakarara uchipembererwa,vazhinji vakarara vakasvinura.Hapana akafungidzira kuti uzere nekuomera nekunyima kwakadai.lye zvino hapana achada kunzwa nezvako.Watinhongesa svosve nemuromo.lye zvino hapana achada kunzwa nezvako.Chienda zvako usadzokazve nekuti hapana achakuda,watitambudza iwe zvakwana.Enda zvako nekunyima kwako,enda zvako iwe JANUARY

Kuoma kwezvinhu kunge Ndira

Ndinoziva kuti paane vanhu vanobata bata but pliz kana pane akabata calender akadzosera kuna January, pliz tigadzirisirewo. Manetsero emari aya ndijanuary chete uyu!

Kusarongekamoxazol, Mapiritsi e January disease

Hawo mapiritsi! Anonzi "Kusarongekamoxazol" Munonwa matatu pazuva kusvika January apera ndeekudzivirira January disease 

Masasi emunhu ashaya pay paChristmas

Masasi emunhu ashaya pay paChristmas:
  1. Haiwawo, rice and chicken tagara tichingozvidya everyday, saka hazvishamisi.
  2. After all ndanga ndagara ndisiri kutraveller this xmas.
  3. Zvinaana machips, pizza nemacake zvinomisa moyo wangu mazuwano
  4. Andidi vana vanoenda kumaraini, vana mai Tino vanovhaira ava.
  5. Haiwawo christmas ndeye 1 day, inopfuura, nxaaa.
  6. Vatotigonera, tinotochengeta mari yemafees nemauniform next term, christmas inopedza mari

January Disease - phone yawana buyer

Ne January Disease iyi, ukawana munhu anzi, "left group" ziva kuti phone yawana buyer!

January Disease - Dai achipera hake January

Dai January achipera hake zvimwe zvatava kunzwa kuti zvinonaka so.  
Hanzi nyevhe yasangana nematemba zvinonaka umwewo hanzi rice rine avocado umwe hanzi spagheti rine dovi zvinonaka zvidhakwa hanzi ndaisaziva kuti krango inonaka inoda wadya chete, vakadziwo hanzi jolly inonaka especially uine ma ice inobva yaita coke chaiyo kkkkkk dai achipera hake January ukuwo vanoenda kubasa hanzi vakomana vemakombi vanodada ndava kuenda nema pickup.

Kupera kwa January

Ende zvakaoma! Shuwa here kunyepera kundifarira asi nerweseri uchitaura zvakaipa pamusoro pangu. Munhu wese akungoti akatadza kuronga hupenyu hwake oti ndini ndirikukonzeresa. Ndakakutadzireiko ini?
Hamusirimi maipfatsura muchitenga kunge vanhu vanopenga pa Christmas? Saka zvakuramba kubatana ikozvino makuti ndini. Ndokundijairira kwandisingade ikoko. Kunyarara hakusi kupusa. 
Manje this week ndiri kurova pasi! Mosara nevamunoda. Mozondiona gore ramangwana. Kana ndakudzoka handidi kunzwa muchiti hee nyupwere nyupwere zvisina basa. 

NDINI jANUARY

Get nyambo in your inbox!