Find by tag

Ndoita zvandakaita kwaMutare

Pane kamwe kamudhara kakange pamusika weMbare kachida kukwira bhazi kuti kaende kwaMutoko. Pakakatarisa muhomwe kakawana inga chikwama hamuna. Kakabva katanga kudaidzira kachiti "vakomana kana paine munhu atora chikwama changu ngadzorere
otherwise ndinozoita zvandakaita kwaMutare. Mbavha yakanga yaba nekutya yakabva yadzorera chikwma ichifunga kuti pane mishonga yemudhara yaizomuvhiringidza. Vakomana vakange varipo vkati mudhara chikwama chako wapihwa chitiudza kuti kwaMutare wakaita sei, zvikanzi ndakabirwamari yebhazi ndikaenda kumusha netsoka.