Find by tag

Dofo re svomhu

Dzaingondinetsa Maths zvaizivikanwa nemunhu wese, Ndaitoti kana ndazama chaizvo ndinenge ndawana 20%. Ndaiwanzowanikwa ndirimuvanhu 4 vekupedzisira pamatest ese. 

Rimwe zuva takanyora test tapedza teacher ndokumaker ndokupedza. Vakazoti zvino akudeedzera munhu nemark yake apa vaifarira kudeedzera vachitanga nepasi kureva kuti anenge afoirisa ndiye aitangwa. Vakadedzera teacher 4%kusvika pa 10% zita rangu musi iwoyo palast four harina kuwanikwa vanhu vakatanga kungonditarisatarisa.

Vakadeedzera kusvika ku20 % handipo wena vaku50% rangu risati radanwa shamwari yangu
yandaigara nayo yakatanga kundirovarova musana kuratidza kuti nhasi wakwapura wena.

Teacher vakuma90% class yese ndobva yanditarisa ini hana yangu ichingoti bha bha ndobva ndanatsozembera chair yangu ndakagadzirira zvino kuchivaratidza  kuti handina  kuchipa musandijairire 95% harisati radanwa wena zvino teacher vasara nebepa one mumaoko ndakabva ndatanga kupfinyira pfinyira shirt yangu kuti sa highest ndinatsotora bepa rangu
nestep yechigentleman. 

Ndakabva ndanzwa teacher voti panebenzi risina kunyora zita pabepa iri ngariuye ritore bepa raro rine 2%

svomhu: 5 anopinda kangani muna 20

Teacher : Temba, 5 anopinda kangani muna 20?
Temba: kunoitei? 
Teacher: i maths, weka tione 
Temba: kana muchinakidza,anogona kupinda kana ka 10, asi kana muchibhowa anopinda ka 1

Mbudzi yatengwa marii

Mumwe murume akaba mbudzi ndokubva apa mwana wake kuti anotengesa. Mwana akasangana neshamwari dzake akabva asungirira mbudzi pamuti ndobva vanotamba zvavo. Mwana achidzoka wanei mbudzi yabiwa. Achisvika kumba 
Mdhara: wadzoka so early mbudzi yatengwa here? 
Mwana: Ehe yatengwa baba. 
Mdhara: Yatengwa nemarii? 
Mwana: Vanhu havachabhadhari baba, yatengwa nesame price yamakatenga nayo.

Chinoz - svomhu

Mwana: nhai baba 1+1chii
Chinoz: handizive
Mwana: ko 2+2
Chinoz: handizive
Mai: vanomboziveyiko baba vako daiwabvunza zvehwahwa
Mwana: 1scud+1scud
Chinoz: 2 mascuds ka
Mwana: 2 mascuds+2mascuds
Chinoz: 4 mascuds
Mwana: 4mascuds+2mascuds
Chinoz: ratova crate kkkkkkkkkkkkk

Svomhu (maths) dzemu bhawa

Honaiwo svomhu (maths) dzemubhawa:

Ma Lion Larger 76, less your age, plus 40 ma Pilsner  = gore rawakazvarwa

Maths dzava kuitwa neChiShona - remove brackets

(2x + 3)(x-7)
Bvisa mateya urerutse.
(Remove brackets and simplify)

Cellphone number neChiShona

Sezvo svomhu dzakudzidzwa muchishona vanoda kundibata munondibata panhamba dzangu dzinoti : hapana Nomwe nomwe mbiri nomwe mbiri pfumbamwe hapana nomwe tatu

Get nyambo in your inbox!