Find by tag

vakandiviga kwandisingadi

mumwe blazo aiita basa rekuti munhu akafa akavigwa ne coffin riri expensive iye woenda kunomufukunura usiku oba coffin racho ozotengesa. 

Saka umwe usiku achibva 'kubasa' kwake kugrave yard akatakura coffin raanga aba pamusoro
akabva asanganidzana nemapurisa. Vakamubvunza kuti aiitei necoffin, iye ndokupindura achiti, "Vanopenga, havangambondiviga apa pandakati handidi saka ndiri kutoenda kunozviviga nechepamberi apo." 

musango donha donha

Hanzi pane mufesi asungwa aonekwa achidonha mutwn akanzi ukutedzera president

Ndiri weku Traffic

Pastor vakasvika nepaZRP ndokuona officer vachirava bible. Zvakavakatyamadza vakati, whaat! Mapurisa anoravawo magwaro nhai? Vakabvunza simple qstion yemubhaibheri vakati: "nhai officer ndiani pakati paCAIN naABEL akauraya munin'na wake?"

Officer ndokuti "Pastor bvunzai constable varimucharge office ndovanodealer nedzeMurder, ini ndiri weku Traffic!"

zrp accident report

Pane motokari yerudzi rwesando (hammer) yaroverana ne nhatu mbiri nhatu (323). Paita yemushana (sunny) yapotsa yapindawo mune yekuoma mutezo(hardbordy) . Pasina nguva mandimba akasvika neyekudzivirira(defender)

Hokoyo ne police

Shingi angaari mbavha, paakafa coffin rake rakaramba kudzika muguva.
Pastor ndokuita munamato zvikaramba pastor wechipiri, wechitatu zvakaramba
Shamwari yaShingi ndokuti Pastor regai ndikubatsirei, ndokufamba achienda paguva ndokusviko mira paguva achibvaati: 
"Shingi hokoyo nePOLICE!", coffin richibva ratanga kudzika. Wenyu munamato uchanzii?

Mapurisa haakushayiri mhosva

Mapurisa haakushairi mhosva kana vachida cash.
Vamwe madzibaba vaive neka family car vakamiswa paroadblock  vakanzi seyi uchifamba wega ko ukafa vamwe vanozoziva seyi toda $40,00. 
Madzibaba vaya ndokuti handifambi ndoga ndina Maikoro, Ishemairi, Damureta, Mikairi, Joshua, Gabrieri, Andiria Ginatsio naCrab vatumwa vaMwari. Mupurisa uya ndokuti aaaaa vanhu 9 mukamota kakadai!! Overload ka iyi wedzera taakutoda $90,00.

Masasi ekupenga - tear gas ye ma riots (2016)

Sorry guys mukangoonawo ndati zii. Tight programme, ndiri busy mazuva ano handisi kubatika. Ndakawana tender yeku supplier tear gas.

dzimufushwa

Ndanga ndiripaborder nhasi vamwe baba vabatwa nembanje vakanyepa kuti mufushwa mapurisa akavapa cooking oil, poto nesalt kuti vabike. Vapedza kudya ndobva vati ndandisingazive kuti kana dzabikwa dzinonaka, zvikanzi nemapurisa dzii, vakati "dzimufushwa"

Get nyambo in your inbox!