Umwe mface aiita zvekugadzira zvidhuura zvemaUS$. Imwe weekend akagadzira zvidhuura zvema$18 achibva ati regai ndiende nazvo kumachonyonyo ekuBinga achiti havangamboziva kuti hakuna $18 yakabatana.
Akasvikopinda mune kamwewo kashop maitengeswa nekachembere achibva aburitsa $18 yake yakabatana ndokutti, "Maswera here gogo, ndanga ndichikumbirawo change."
Gogaz vakatambira mari ndobva vangoitarisa mbichana vachibva vanyemwerera vachiti, "Ndokupa ari ma$9 maviri here kana kuti ma$6 matatu........."
Benzi rakapinda mushop richida juzi reblack, rakapinda mushop ndokuti: "ndirikuda jersey reblack". Zvikanzi nemutengesi: "tine rebrown ingoritora uwudze moyo wako kuti iblack".
Zvikanzi nebenzi "zvakanaka, imarii ?"
Mutengesi achiba ati: "i$20". Benzi rakabva raburitsa $5 rikati: "uwudzewo moyo wako kuti i$20"
Reserve Bank
P.O Box MY 123456789
Money Way
Bank
Wadiwa Bond Note
Ndanyora ino tsamba kuti ndikuzivisevo kuti pano pauri kuda kuuya pabarika, huye US dollar ndiye achiri hake pamoyo womurume! Vana pula, pound, euro, yen naana metcazh vakatowoneka havo vakatodzokera vasati vasakadzwa.
Ini ndakambotsungirira asi zvino ndapfidza hangu, ndangogarira vana vangu! Ko ndichaendepi ndachembedzwa kudai?
Zvino huya hako wakagadzirira. Murume wawada unema domestic violence anotyisa chose. Haatye! Kana mapurisa aakutomutyawo. Saka wotosimba zvako.
Ndini wako akarambwa
Rand