Find by tag

Ndiri kutengesawo matemo

Pane mumwe mukadzi aishinhwa kana murume wake aenda kubasa . Aidanana neimwe boyfriend yakanga yakasimba moto chaiwo. Vemanext door vakazotaurira muridzi wemukadzi kuti kana musipo pane rume rinouya kuzorakasha mukadzi wenyu.

Nehasha shasha yakati ndichamubata chete .Saka nerimwe zuva yakadzoka kubasa makuseni
kuti izoona kuti how far. Akasvikira panext door ndokubva audzwa kuit zimuchinda riya rakange riri mushishi rekuridza mukadzi wake. Akabva akumbira demo ,akasviko vhura door ,asi harina kuvhurika akabva atanga ku noka. 

Rume riya rakabva ravhura door richotovhara zipi richichururuka dikita zvakaoma, rikati: "tingakubatsireyi neyi". Shasha nekuona masimbiro emuchinda uyu akabva ati: " sorry for disturbing ndiri kutengesawo demo ". Rume riya ndokuti: "Hatina mari", ndokubva ravhara door .

Dhongi Rangu

Dzimwe dziblaz manje, somewhere kumamisha-misha ikoko, dzakauya
nedhongi radzo pane chimwe chitoro. Dziblaz idzodzo dzainge dziri
dziya dzekungoshatirwa neboys. Dzikati dzasvika pachitoro nedhongi,
vhadzasungirira dhongi riya pamuti. Dzikavha dzati, 'Eh, vapfanha!
Mukabata dhongi rangu...tinoonana!'
Dzadaro, vhadzati muchitoro dhezu. Dziri imomo, imwe giant ikati
yauya, ikatarisa dhongi riya, vhayatora pendi yewhite, kwaakupenda
dhongi riya rese kuti re. Blaz dziya manj', vhadzabuda mustoro
vhadzaketa kuti dhongi raita by the white, dzikatanga kuthreatena
tuvapfanha dzichiti 'Hey, ndiani wapenda dhongi rangu?'
Giant riya manj', vharasimuka rakabata pendi netini mumaoko,
rikati 'Ndini!' Blaz dziya dzikati 'Ah, ho-o, ndaida kuti muziye kuti
raoma!'

Kablazo kaka birwa watch mu bhazi

Hanzi kamwe kablazo kanga kakaonda moto kakabirwa watch yako pa'pressure' yekukwira mubhazi. Kakwira mubhazi kakamira padoor ndokudaidzira kachiti, "aba watch yangu ngaadzose kana kuti ndokurovai mose." 

Hapana akadaira saka kakabva katanga kurova munhu wese anga ari mubhazi umu mambama. Kakasvika panerimwe zi-giant rakanga ririmonya moto, ndokuriti mbama, mbama. Giant
rakasimuka ndokudaidzira kunadriver kuit amise bhazi. Vanhu vakatanga kuombera
maoko vachidaidzira kuti nhasi kablazo kavekuzosotwa.

Giant rakabva ramira padoor rebhazi rakamisa mamhasuru richidaidzira richiti , "Kana pane  aba watch yemuchinda uyu ngaamudzosere vanhuwe, mungatikuvadzise."

Monya inobhendesa pondo

Pakange pane rimwe zimonya. Mablazo akanga akasimba zvekuit akakuti jump, you wouldn't ask why but how high. Muface uyu. Akange ane system yekusvika mushop obva abhendesa $2 (yekwedu ndeyesimbi) wotema shop keeper achiita demand
zvaaida.

Akazosvika pane kamwe kamuchinda kayounger stock karislim built, ndokuita matricks ake aye.This time paakatema kamufana kaye, iko kakanhoga $2 iye ndokuiswatanudza ne-bare hands kakakandira giant kachiti makanga musina zvaraida. Giant akadzokorora kathree times, mu-youth uyu achingotwasanudza mari iya. 

Kechi four kamuyouth kakashtirwa ndokutwasanudza mari iye kakatema mufella kachiti "ukaramba uchindinetsa wakuzondipa mabasa." Zvekuti varume havana hura, kutamba, hura hwagiant hwakabvunda aka mhanya zvisati
zvamboonekwa

Monya ichi flexa mamhasuru mu bhawa

Monya yakapinda mubhawa ikaona mupfana akabata quart ikasvikomubvutira ndobva yatanga kunwa. Yava pa half yakatarisa mupfana uya ikaona achichema ikati  urikuchemei. Zvikanzi nemupfana mukoma wangu munyama wangu wanyanya. Kuswera zuro ndakaedza kuzvisungirira tambo ikadambuka, nezuro ndakaenda ndikanogara kunjanji chitima hachina kuuya, nhasi ndoisa poison mudoro rangu imi monditorerawo futi aaaaaa zvandirwadza

Get nyambo in your inbox!