Kuna Tete Rhoda
Ndaita dambudziko guru chairo. Ndinoshandira imwe kambani hombe inoita zvekugadzirira wine. Ndine mkadzi nevana vana. Mkadzi uyu ndava nemakore 18 ndiinaye.
Rimwe zuva boss vangu vekubasa vakashanya kuZambia. Se munhu anga ari panight shift uye mushina wakafa ndakati regai ndidzokere kumba ndindorara hangu. Ndakawana mkadzi wangu akarara pamubhedha wedu nemukomana anoroja panext door. Ndapererwa tete gandichazivi zvokuita. Ndibatsireiwo
MHINDURO YATETE
Nyika ino yaurawa nevanhu vakaita semi musingadi kugara pabasa.kana boss asipo.hazvina kunzi chienda kumba undorara. Usaita tsika yakaipa kudaro yokunzvenga basa. Ndimi munoita kuti economy yedu idzikire. Dai boss vako vakakuranga zvakaomarara kana kutokudzinga basa racho vatsvage munhu ane hanya nebasa. Vamwe vanotorishaiwa basa racho iwe uchitoita rekutamba naro kudaro. Next tym usaita zvekutamba nebasa uchidaro
Wandigumbura kwazvo
Tete Rhoda