Find by tag

Farirai kugeza madzimayi

Manga muchizviziva here kuti mukadzi paanoti kumuporofita imba yangu ikunetsa murume haasikurara kumba chero bonde neni haachadi madzibaba voti oyi muteuro uyu mogeza 6days katatu pazuva anenge atoona kuti dambudziko riri pakugeza .

Tiri mugore rezvidzidzo

Mubhaibheri hamuna Zim Dancehall!

Madzibaba anopinda mukombi vati fambei mutyairi anotanga kuridza Zim dancehall. 
Madzibaba ndokuti "Munhu wamwari bvisa izvo mubhaibheri chaimo hatina kumbonzwa kuti vanhu vaiteerera zvakadaro.!          
Mutyairi anomisa mota ovhurira madzibaba door oti: "dzikai zvenyu pano mdara"
Madzibaba anobvunza " Ko zvaitaseizve nhai munhu wamwari?"
Zvikanzi nemutyairi: "Isuwo hatina kumbopaona mubible pakanzi vanhu vaifamba nemataxi.Chimirirai ngamera nembongoro zvaitakura vanhu nguva iyi.

Ice cream dzine pork!

Mupositori akaomera! 
Madzimai Mas: "Nditengereiwo ka ice cream madzibaba."
Madzibaba: "Dzine pork idzi"

Madaidzirwo oita vana baba mazuva ano

Mazuva ano varume vakudaidzwa nekuwana:

$1000 zvichikwidza: Honey.                   
$700 - $900: Sweetheart 
$400 - $600: Daddy.       
$200 - $300: Baba Bee, Baba Vee etc...         
$100 - $190: Mhofu, Dhewa, Shumba, Mukanya etc...                                  
$100 zvichi dzika: Madzibaba, Munhu washe etc...

Get nyambo in your inbox!