Find by tag

Kushata kweRhodesia, Kunaka kweZimbabwe

KUSHATA KWERHODESIA

1. Wakadzidza kana kuti hauna basa wairiwana.
2. Kwaitengeswa mombe 1 kuendesa mwana kuUniversity.
3. Uchingobva kuUniversity basa, mota nemba straight.
4. Waimanikidzwa kuchata kuti upiwe imba mahara mutown.
5. Companies vaipa vashandi vavo hove dzakaomeswa (bakayawo) nesipo yekugeza maovhorosi.
6. Kwaisadiwa munhu asingashandi kugara mudhorobha.
7. Baba kana vafa mwana aibva apinzwa basa ipapo pasina interview.
8. Kana nguva yekurima yakwana waigona kumbosiya zvako basa mutown wonorima, uchidzoka basa rako rakakumirira.
9. Migwagwa yaive isina makomba makomba.
10. Kumisha mwana airangwa nemunhu mukuru wese pasina kupopoterana.
11. Vanhu vaimwa mvura yemurwizi vasingarware.

KUNAKA KWEZIMBABWE
1. Munhu wese ava kutengesa zvaanoda pamadiro.
2. Vanhu vava kupindawo muzvimbudzi zvaive zvevarungu chete uchisiya R5.
3. Tave kubvumidzwa kutenga ivhu 400 square metres neUS$4000 tozovaka imba yedu ipapo.
4. There is equality, ane degree neasina kana grade 1 tese mustreet.Mabasa hakuchina vanhu votopona nediaspora.
5. Kana une top face muhurumende unopiwa munda 50 ha, inputs wozvionera.
6. Mari inombopera kumabanks, zvobatsira kuti uichengetedze wega. Haupuhwi interest.
7. Kuuraya shumba kutokonzeresa pane kuuraya munhu.
8. Tava kukwanisa kubhadhara medical aid for no services at all.

Tiri mugore rezvidzidzo

Independence box - kuda zvinhu

Boy:lndependence box babe
Girl:Aaaa unoda independence box wakarwa hondo here iwe?
Boy:kkkkk 
Girl:ko wasekei 
Boy:lwe zvaunondinetsera Christmas box wakamborovererwa pamuchinjikwa here 

Get nyambo in your inbox!