Find by tag

Bond Coin - usaore moyo

Chero vanhu vakakuramba usaore moyo! Mangwana ndiwe unenge wakudiwa.... Tarisa uone zvakuita Bond Coin kudiwa kupfuura Rand !!!

Bond coin ne rand pa tuckshop

Wotosvika paTuckshop uchida maheu wobvunza kut imarii zvobva zvanzi 5rand iwe neconfidence wobudisa 5 rand yacho.
Ndipo paunonzwa zvonzi aah mari idzi hatisi kutambira mazuva ano dzirikuzotinetsa. Tirikuda mabond. Wotoshaya kuziva kuti bond rakazoita rand riinhi?
Ndopaunozoona kut zvidzidzo zvegore rino ukaita zvekutamba unofoira.

Ingadayi yava dhora fifty

Sekuru vakatuma muzukuru ne50cents kundotenga coke. Muzukuru ari munzira mari yakabva yarasika ndokutsvaga asi akayi shaiwa. 

Gare gare sekuru vakaita follow up ndokuwana mzukuru achingo zeya zeya ndokubvunza kuti zvaita sei, zvikanzi "mari yarasika". Sekuru vakabva vatanga kupopota vachirova mzukuru zvakaita kuti apedzisire akudzorerawo. 

Vari mutsumburumbu iyi, pakabva pasvika pastor zvikanzi munorwirei ndobva vaudzwa. Zvikanzi na pastor "mungarwira 50cents?", vachibva vapa $1 kuna sekuru. 

Pastor vava kuenda, vakangotii fambei zvishoma nyonga nyonga ndobva yatangazve! Zvikanzi zvaita sei futi? Sekuru vakabva vati "mzukuru arasa coin rangu!"  Pastor vakabva vati  "inga ndakupai $1 wani?"

Sekuru vaya vachibva vati "Ingadai yave $1.50"

Mazhanke imarii - rand, bond coin

Me: Mazhanje imari
Vendor: 5rand
Me: Oyi 5rand
Vendor: Sorry hatitore Rand
Me: But mati 5Rand
Vendor: 5rand yemaBond!

Masasi ekupenga - Bond Notes ne hohwa

Kugamuchira bond note frm the bank iwe wakaisa Us dollar, zvakafanana nekusiya wabikisa chicken wadzoka wosviko pakurirwa hohwa

Bond Beer

Munyati wemabond notes unonetsa kuhwisisa! 
Kwahi shandisai mapepa, asi anenge akamiririra mari chaiyo, inenge yakachengetwa kubank. Kureva here kuti doro rikaita shoma kudelta vanogona kungoisa mvura mumabhotoro vovhara voti chimwai nekuti mvura iyoyo yakamiririra doro riri kudelta - bond beer?

Mhando dzevakadzi ne mari

Kune mhando dzevakadzi dzakati wandei, panoti 
  1. Zim dollar - ava vakadzi vakavimbika uye vasingadi nevarume vavo, they are very supportive.
  2. Bearer cheque - aapa pane nyaya, unogona kubva kubasa ukawana aenda zvake, atoExpire, hapana zviripo.
  3. US-Dollar - uyu haabve pamurume zvekumhanya, asi shanje, shanje kani, asi uuuum inhamo zvayo.
  4. Bond-coin - apa ndopane nyaya, vanochengeta asi value yavo ndeyefake, ukasanyatsoona unoti wawana mukadzi asi hapana hapana.
  5. Bond-note - haaaaa uyu mukadzi ane zvivindi, haadiwe asi anotouya chete. Kuvhundutsira pamusha, haatye kana munhu. Anotuka varidzi vepamba iye asati ambogarapo. Nembwa dzinotomuziva asati asvika.                     

Bond Notes: Mazita anoenderana nenguva yatiri

Kune wachangobara kana warikutarisira, hawo maazita anofambirana nenguva:

  • Bondnashe
  • Tawanabond
  • Tabondwa
  • Bondmore
  • Bondwell
  • Bondelina
  • Bondlyn
  • Bondikelelo
  • Tabondzwa
  • Takubondwa
  • SimbanaBond
  • Bondknows
  • Bondfree
  • Bondward
  • Bondson
  • Bondington

Bond Notes - roja rajamuka

Dear Roja

Mari yangu ndoida in US$ not in bond notes


Reply

Dear landlord

Kana imba yenyu ikuAmerica ndichakupai US$ asi kana iri muzimbabwe ndichakupai bond note.

Get nyambo in your inbox!