Find by tag

Zimbabwe yakachipa kufona kana uri ku Gehena

Mubritish, muamerican  nemuzimba vakafa vakaenda kugehena. 
Akatanga mubritish akada kufonera vanhu  vake vekuUK kuti anzwe kuti vasara sei. Akapiwa akafona 5minutes apedza akabvunza kuti imarii satani akati $5million ndokukumbira computer kuti atransfer mari yacho.

Tevere muamerican kusada kusarira akafona 15minutes kwakubvunza kuti imarii satani akati 15million akamunyorera cheque.

Muzimba akafonera vanhu vake akataura 48hrs kwakubvunza kuti imarii satani akati $1, muzimba akachibvunza kuti chii chikonzero? Zvikanzi naSatani kana urikugehena uchifonera Zimbabwe zvakachipa coz iLocal.

Masasi eku penga - Satani naMugabe

Satan akaonekwa achichema ndokunzi newewo munhu weutsinye unotochemawo? 
Zvikanzi naSatan zvimwe zvinhu zvinoitwa naMugabe zvinongonzi ndini!

Chinoz - kurasisa Satan

Pastor asked Chinoz to pray for youths travelling
from Harare to Masvingo for a conference. Iye ndokuti, "Baba
tinokukumbirai kuti mutungamirire vana
pavachapfuura nemu Bindura, Chinhoyi
Kusvika Kariba........... *** Pastor interupts*** Ko yava nzira ipi
iyi nhai VaChinotimba? He said, "Ndiri kurasisa Satan. Paachaenda kwese ikoko vana vanenge vasvika kuMasvingo zvakanaka."

Get nyambo in your inbox!