Find by tag

Chinoz vachitaura nezve mutongo wa Gumbura

Reuben Barwe: Achinotimba munotii nemutongo waGumbura 40 yrs pakubata rape kwaakaita? 
Chinoz: Aaa kana vachiti kubata rape 40 yrs, ko isu tinoirima a bva kufira mujeri. Ini pandakazvinzwa kuti Gumbura apiwa 40 yrs pakubata rape ndakabva ndatoitema,ikozvino ndorima tsunga, covo, muboora nechembere dzagumhana nezvimwe zvakadaro kwete rape ndofira mujere. Kana kubata kuchiita 40 yrs kuzoti kuirima.

Idyai spinach

Amai nevana are eating sadza nespinach and gotwe is refusing to eat.  Amai says , 
"Idya spinach iyi mwanangu  unokura wakanaka kumeso'                  
Gotwe asks ,''Asi pamakakura kwanga kusina spinach kani?"

musangoramba muchi bata bata muriwo

Vamwe blaz vaiva pakati pokusarudza bhanduru remuriwo wavaida, ndokunzi nemudzimai wemusika:
"Saka murikungoramba muchingobata bata muriwo sei, chingotorai chero. Munoti pane une nyama pakati here?"

Dai vanhu vaiera zvirimwa

Ko dai vanhu vakanzi vaere zvirimwa?

  • Maswera seiko Tsunga munaka nemabhonzo
  • Maita Muboora mashizha emanhanga ndimika verudzi rwe butter nut
  • HEVOI Chibage mugutsa vanhu hupfu tinogaya manhuchu tinobika
  • Maita nzungu mutetenherwa kambeu kadiki
  • Hekani Mbambaira mufamba nepasi
  • Hekani nyevhe vekuvava vanononoka kuibva mudzinga vaenzi

dzimufushwa

Ndanga ndiripaborder nhasi vamwe baba vabatwa nembanje vakanyepa kuti mufushwa mapurisa akavapa cooking oil, poto nesalt kuti vabike. Vapedza kudya ndobva vati ndandisingazive kuti kana dzabikwa dzinonaka, zvikanzi nemapurisa dzii, vakati "dzimufushwa"

Get nyambo in your inbox!