Find by tag

Ingadayi yava dhora fifty

Sekuru vakatuma muzukuru ne50cents kundotenga coke. Muzukuru ari munzira mari yakabva yarasika ndokutsvaga asi akayi shaiwa. 

Gare gare sekuru vakaita follow up ndokuwana mzukuru achingo zeya zeya ndokubvunza kuti zvaita sei, zvikanzi "mari yarasika". Sekuru vakabva vatanga kupopota vachirova mzukuru zvakaita kuti apedzisire akudzorerawo. 

Vari mutsumburumbu iyi, pakabva pasvika pastor zvikanzi munorwirei ndobva vaudzwa. Zvikanzi na pastor "mungarwira 50cents?", vachibva vapa $1 kuna sekuru. 

Pastor vava kuenda, vakangotii fambei zvishoma nyonga nyonga ndobva yatangazve! Zvikanzi zvaita sei futi? Sekuru vakabva vati "mzukuru arasa coin rangu!"  Pastor vakabva vati  "inga ndakupai $1 wani?"

Sekuru vaya vachibva vati "Ingadai yave $1.50"

Munoda kuri pfeka here?

Passenger: Mukuwasha mandipa dolla rakabvaruka.  
Conducter: Ambuya musanetse, munoda kuripfeka here?

Todii kana tichisina rand ne dhora

Mazvinzwa here zvaitika muZimbabwe? Manga muine musangano wemari pakati pavaMugabe;Zuma naObama,saka vatadza kuwirirana Obama abva atora madollars ake akaenda.vaZuma vakatora marands avo vakaenda.
Saka muno hamusisina mari zvino bhazi ravakuita mombe kubva kuHarare kuenda kuBulawayo chenji imbudzi; kubva Harare kuenda Masvingo idhongi,chenji imbwa. 
Mutare kuenda Harare imbudzi, chenji ihuku. Kubva Harare kuenda nyamapanda 50kg yemanyowa. Makombi local shiri kuenda shiri kudzoka kana mbeva mbeva

Masasi ekupenga - Bond Notes ne hohwa

Kugamuchira bond note frm the bank iwe wakaisa Us dollar, zvakafanana nekusiya wabikisa chicken wadzoka wosviko pakurirwa hohwa

Tamba - Wadiwa Bond Note

Reserve Bank
P.O Box MY 123456789
Money Way
Bank

Wadiwa Bond Note

Ndanyora ino tsamba kuti ndikuzivisevo kuti pano pauri kuda kuuya pabarika, huye US dollar ndiye achiri hake pamoyo womurume! Vana pula, pound, euro, yen naana metcazh vakatowoneka havo vakatodzokera vasati vasakadzwa.

Ini ndakambotsungirira asi zvino ndapfidza hangu, ndangogarira vana vangu! Ko ndichaendepi ndachembedzwa kudai?

Zvino huya hako wakagadzirira. Murume wawada unema domestic violence anotyisa chose. Haatye! Kana mapurisa aakutomutyawo. Saka wotosimba zvako.

Ndini wako akarambwa

Rand

Mhando dzevakadzi ne mari

Kune mhando dzevakadzi dzakati wandei, panoti 
  1. Zim dollar - ava vakadzi vakavimbika uye vasingadi nevarume vavo, they are very supportive.
  2. Bearer cheque - aapa pane nyaya, unogona kubva kubasa ukawana aenda zvake, atoExpire, hapana zviripo.
  3. US-Dollar - uyu haabve pamurume zvekumhanya, asi shanje, shanje kani, asi uuuum inhamo zvayo.
  4. Bond-coin - apa ndopane nyaya, vanochengeta asi value yavo ndeyefake, ukasanyatsoona unoti wawana mukadzi asi hapana hapana.
  5. Bond-note - haaaaa uyu mukadzi ane zvivindi, haadiwe asi anotouya chete. Kuvhundutsira pamusha, haatye kana munhu. Anotuka varidzi vepamba iye asati ambogarapo. Nembwa dzinotomuziva asati asvika.                     

Bond Notes - tsumo

Hedzinoi tsumo dzema Bond Notes:
...................................................................
  1.  Ane  kwacha ane  mari hazvienzane neane bond 
  2. charovedzera charovedzera bond rakapinda muZimbabwe kwakachena 
  3. Igaroziva kuti bond haricrosse boarder
  4. Mudzimu wakupa bond wati nhunzi dzikudye 
  5. Ane bond peta muswe kuti ane US Dollar akutye 
  6. Aive ma bearer ave mabond 
  7. Matakadya US Dollar haanyaradze uyo akabata bond
  8. Kure kwe US Dollar ndiko kusina bond 
  9. Kudada kwevari America kukumbira vari Zimbabwe Bond
  10. Akupa  US Dollar ndewako .


Bond Notes: Tsumo dzema bond

Tsumo dzema Bond Notes:
  1. Ane  kwacha ane  mari hazvienzane neane bond
  2. Charovedzera charovedzera bond rakapinda muZimbabwe kwakachena
  3. Igaroziva kuti bond hari crosse border
  4. Mudzimu wakupa bond wati nhunzi dzikudye
  5. Ane bond peta muswe kuti ane US Dollar akutye
  6. Aive ma bearer ave mabond
  7. Matakadya US Dollar haanyaradze uyo akabata bond
  8. Kure kwe US Dollar ndiko kusina bond
  9. Kudada kwevari America kukumbira vari Zimbabwe Bond
  10. Akupa  US Dollar ndewako .

Get nyambo in your inbox!