Find by tag

Ingadayi yava dhora fifty

Sekuru vakatuma muzukuru ne50cents kundotenga coke. Muzukuru ari munzira mari yakabva yarasika ndokutsvaga asi akayi shaiwa. 

Gare gare sekuru vakaita follow up ndokuwana mzukuru achingo zeya zeya ndokubvunza kuti zvaita sei, zvikanzi "mari yarasika". Sekuru vakabva vatanga kupopota vachirova mzukuru zvakaita kuti apedzisire akudzorerawo. 

Vari mutsumburumbu iyi, pakabva pasvika pastor zvikanzi munorwirei ndobva vaudzwa. Zvikanzi na pastor "mungarwira 50cents?", vachibva vapa $1 kuna sekuru. 

Pastor vava kuenda, vakangotii fambei zvishoma nyonga nyonga ndobva yatangazve! Zvikanzi zvaita sei futi? Sekuru vakabva vati "mzukuru arasa coin rangu!"  Pastor vakabva vati  "inga ndakupai $1 wani?"

Sekuru vaya vachibva vati "Ingadai yave $1.50"

Mazhanke imarii - rand, bond coin

Me: Mazhanje imari
Vendor: 5rand
Me: Oyi 5rand
Vendor: Sorry hatitore Rand
Me: But mati 5Rand
Vendor: 5rand yemaBond!

Todii kana tichisina rand ne dhora

Mazvinzwa here zvaitika muZimbabwe? Manga muine musangano wemari pakati pavaMugabe;Zuma naObama,saka vatadza kuwirirana Obama abva atora madollars ake akaenda.vaZuma vakatora marands avo vakaenda.
Saka muno hamusisina mari zvino bhazi ravakuita mombe kubva kuHarare kuenda kuBulawayo chenji imbudzi; kubva Harare kuenda Masvingo idhongi,chenji imbwa. 
Mutare kuenda Harare imbudzi, chenji ihuku. Kubva Harare kuenda nyamapanda 50kg yemanyowa. Makombi local shiri kuenda shiri kudzoka kana mbeva mbeva

Tamba - Wadiwa Bond Note

Reserve Bank
P.O Box MY 123456789
Money Way
Bank

Wadiwa Bond Note

Ndanyora ino tsamba kuti ndikuzivisevo kuti pano pauri kuda kuuya pabarika, huye US dollar ndiye achiri hake pamoyo womurume! Vana pula, pound, euro, yen naana metcazh vakatowoneka havo vakatodzokera vasati vasakadzwa.

Ini ndakambotsungirira asi zvino ndapfidza hangu, ndangogarira vana vangu! Ko ndichaendepi ndachembedzwa kudai?

Zvino huya hako wakagadzirira. Murume wawada unema domestic violence anotyisa chose. Haatye! Kana mapurisa aakutomutyawo. Saka wotosimba zvako.

Ndini wako akarambwa

Rand