Find by tag

Gore rezvi dzidzo rapera

Makapedza gore rese muchiti gore redzidzo muchiti murikudzidza maiti school fees yacho yaibvepi? 
Ndoo kwakaenda bonus hakuna munhu anodzidza mahara!

Nehanda Nyakasikana - Civil Servant 2015

Mbuya Nehanda Nyakasikana! Ko tohora riniko isu macivil servants. 
Zuro ndizuro uno masoja akahora isu takatarisa; 
Ikwezvino mahwindi ogacha  sausage ne huku isu mapurisa nemateacher takatarisa.
Bonus chaiyo totoita yekuonera kuhope pedzezvo pay voti hakuchina yave gore rinouya. 
Torarama sei isu macivil servants tichidya nhoko dzezvironda vamwe vachidashura nyama.
Pfuma yamadzitateguru edu vakatora vakagovana paukama hwavo; 
Nhai sekuru Kaguvi morega mafunnies akadai achitwa munyika imi mapfupa enyu achirarama kungoti gare gare pay day rachinjwa.

By disgruntled Civil servant

Masasi emunhu ashaya pay paChristmas

Masasi emunhu ashaya pay paChristmas:
  1. Haiwawo, rice and chicken tagara tichingozvidya everyday, saka hazvishamisi.
  2. After all ndanga ndagara ndisiri kutraveller this xmas.
  3. Zvinaana machips, pizza nemacake zvinomisa moyo wangu mazuwano
  4. Andidi vana vanoenda kumaraini, vana mai Tino vanovhaira ava.
  5. Haiwawo christmas ndeye 1 day, inopfuura, nxaaa.
  6. Vatotigonera, tinotochengeta mari yemafees nemauniform next term, christmas inopedza mari

Civil Servants - Yapinda here babe?

Nhasi ukanzwa murume nemukadzi vachibvunzana kuti yapinda here babe? Usavhunduka, Ipay yemu civil servants irikurehwa 

Nhau dzema pay dates 2016

Hedzinoi nhau mururimi rwechishona:

Munyika yezimbabwe ma pay dates ave kugarirwa dare kunge mari yeroora. Kumirirwa kuti abude kunge mudzimu.

Get nyambo in your inbox!