Find by tag

Winky D muimbi, kwete muporofita

2016 pamuchaona kuti ma problem enyu haana kuita disappear ndopamuchaziva kuti Winky D muimbi, kwete muporofita

Munamato wekuvhara Gore ra 2015

Munamato wekuvhara Gore

Mwari Baba tinokutendai nekuchengeta mwana wenyu arikuverenga izvi. Chimutungamirai muna 2016 pasina chinomutambudza. Baba ndinokumbira mwana uyu mugore ra2016 kuti:

  1. Ngaasiyewo kunwa majolly juice azive kunewo 100% fruit juice
  2. Asaite tea yekupisira asi azivewo ricoffy
  3. Muvharirei nzira yekumupedzanhamo (bhero) azivewo kuti kwaEdgars neJet kune mbatya
  4. Mota yake ngaisevhiswewo kuAmtec, Croco or Toyota Baba kwete pasi pemuti
  5. Muziviseiwo kunaka kwemameat balls, beef,chicken, bream nekuti machunks haisi nyama uye beans handiwo wega usawi
  6. Ndakumbira baba muradzikeiwo pafantasi yemubhedha arote hope dzeumambo kwete pabonde
  7. Ngaazive Baba mabasa emba imwe naimwe (bedroom, kitchen, dining,lounge) kwete kuti arare mukitchen kunge cup
  8. Muwaniseiwo 5 rand yekugara paseat ye kombi kwete kujairira kugara pakadoma
  9. Murairidzeiwo nzira yekuchechi baba kwete yekumakuhwa
  10. Nonewo musuwo wekwaSpar, Ok kwete kumashop emaChina kana maNigeria.
  11. Ndinokumbirisa baba dzosaiwo zviuno zvevanakomana wechidiki panzvimbo kwete kuti bhurukwa rosungirwa kumabvi.
  12. Neiwaya Baba zita renyu rigokudzwa nekasingaperi asizve
  13. Chiitaiwo kuti azive kunaka kwekuverenga mabook kwete kuswerera iyoyi Watsapp zvaarikuita. 

Get nyambo in your inbox!