Find by tag

Masasi ekupenga: Plastic surgery

Kuitwa plastic surgery. Kungaite marii kana ndine maplastic angu?

Masasi ekupenga - Munyama chaiwo

Hameno kuti munyama here kana kuti chii...ndanhonga Mari but yakashota

Masasi ekupenga - Kuipa kwe doro

Pane nyaya yandaverenga mumagazine yandibata zvisingaite pamusoro pezvakaipira doro kana nanhasi hana yangu ichiri kungorova zvekuti kubva nhasi ndasvipira mate pasi handife ndakabata chinhu chinonzi magazine futi!

Masasi ekupenga - kusadya nguruve

Wotonzwa vamwe vachiti heee hatidyi nguruve nekuti ndoo makaiswa ma dhimoni a Rigiyoni. But munovaona vachinwa mvura. Koo nguruve dzacho dzakadonhera payi?...muscud here?

Masasi ekupenga - Kupfimbana

Kupfimba kwakaoma, umwe mface abva kubvumwa nebaby nyaya bvadzapera. Kushaya nyaya chaiko.....akabva abata rwoko rwebby..... Kwakuti unozviziwa here kuti ndorwutyora urwu. . 
Umwewo ndiye akati abvumwa sanhasi mangwana akunoona baby abva ashaiwa kuti otangawo sei  nyaya zvikanzi ndimi makadai kutida 
Mumwewo akazoti aona babie akushaya kuti otanga nyaya sei akazoti...... garazviya ndiyani mukuru iwe namai vako?

Masasi eku penga - Satani naMugabe

Satan akaonekwa achichema ndokunzi newewo munhu weutsinye unotochemawo? 
Zvikanzi naSatan zvimwe zvinhu zvinoitwa naMugabe zvinongonzi ndini!

Masasi ekupenga - Mabasa embanje paMabvuku

Veduwee vanhu ngavatsvage mabasa uye mbanje dziitwe shoma! Ndiyani akanyora pagedhi remabvuku cemetry kuti anenharo ngaamuke....

masasi ekupenga: vakadzi vasinga endi kubasa

Hanzi vakadzi vanogara pamba vanonzi D.C.C. meaning, Daddy Chakati Chapera!!!

masasi ekupenga - rudo rwavanana

Ukaona uchipinda nemoyo wose murelationship uchiri teenager . ....zvakafanana nekuisa fitted cupboard paunoroja

masasi ekupenga - kufarisa sembudzi

Usafarise sembudzi inosimudza muswe ichikanganwa kuti ndiro bhurugwa

Masasi ekupenga - Hauna kuitirwa baby shower

Nezuro zvandakaudzwa nemumwe muporofita hanzi zvinhu zvangu hazvisi kufamba because ndiri mudiki handina kuitirwa baby shower.

Masasi ekupenga - Bond Notes ne hohwa

Kugamuchira bond note frm the bank iwe wakaisa Us dollar, zvakafanana nekusiya wabikisa chicken wadzoka wosviko pakurirwa hohwa

Masasi ekupenga - kombi yakazara

Ukaona musoro wa hwindi ziva kuti kombi ichirikuda vanhu but ukaona magaro ake ziva kuti yazara

masasi ekupenga haufe wakawana umwe anenge ini

Woramba munhu, wotonzwa achiti "haufe wakawana mumwe anenge inini".
Ko mumwe anenge iwe ndomudii ini ndichitokurambira zvauri?

Masasi ekupenga: Mitauro yandinogona

Babie ndinotaura 3 ma Languages (mitauro)

  • Shona
  • Rough
  • NeNhema

Masasi ekupenga: ndoenda kwa mai vangu

Unotonzwa mukadzi achiti handinyengereri ndinoenda kwaAmai vangu, ko ukasvika Amai vako vaenda kwaAmai vavo unoita sei?

Ma donations e swimming pool

Pane mwana wechikoro asvika pamba pangu achida madonations, hanzi pachikoro parikuda kuvakwa swimming pool.hameno kana ndagona ndamupa 20 litres dzemvura.

Masasi ekupenga : kuendeswa out

Hanzi kune mamwe ma babie anoda kuendeswa out every week kunge bin! 

Get nyambo in your inbox!