Find by tag

Mbuva yapa Kadoma

Makange muri mubhazi reku Bulawayo, muine mumwe mupfanha. Saka akaudza  conductor kuti azomumutsa kana asvika muKadoma, semunhu  aingokotsira-kotsira. 

Vava paNorton, mupfanha uya akamuka achibva  ati  kuna  Conductor, "Tasvika here muKadoma". Zvikanzi naConductor, "Iwe  mupfanha ndazvinzwa kudhara ndichakumutsa." 

Vasvika paSelouse mupfanha uye achibva  √§muka akabvunza futi kuti vakange vasvika muKadoma here. Conductor akamuti "Iwe mupfanha ndakuudza kuti ndichakumutsa, pfutseke mhani." Vava  paChegutu achibva amuka futi achibvunza kana vasvika muKadoma. Conductor  akamushaudha futi. Mupfanha uya achibva akotsira hake. Saka bhazi
  rakazopfuura muKwekwe, nemuGweru mupfanha uya akakotsira chete.  

Vava  pakati peGweru ne Bulawayo mumwewo munhu akabva ati, "Ah,  komupfanha  weMuKadoma azoburuka here patasvika muKadoma" Ndipo pavakaona  mupfanha  uya achirimo." Saka Conductor naDriver vakange vaakuda kuti mupfanha  uya  aburuke ipapo vanhu vakacomplainer vachida kuti Bhazi ridzokere kusvika kuKadoma kuye. Saka bhazi rakadzokera kuKadoma. 

Vasvika muKadoma muya,  zvikanzi na Conductor, "Mupfanha chiburuka" Zvikanzi nemupfanha  uya,  "Aiwa, ndiri kuenda kuBulawayo, ticket rangu ndere kuBulawayo. Ndanga  ndanzi naamai kana ndasvika muKadoma ndochizodya huku yavanga  vandigadzirira"