Nhamo yemuroora:
Aite mudiki - Haa kakanyanya kuita kadiki, kachamuhurira
Akure - Mukadzi uyu mukuru achamutonga.
Anyarare - Mukadzi waGoddie akati kwindi.
Ataure - Akachenjeresa pamuromo pake hapamharwe nenhunzi.
Awonde - Mukati Goddie haana kutitorera murwere imi?
Asimbe - Ringatadze nei kufuta richiswera rakangoti pweshe?
Agare natete - Akatorera mwana wangu Angela kuti amuite musikana webasa.
Arambe kugara natete - Haridi vanhu kumba kwaro kunge ndiro rinoshanda.
Abikire muenzi tea - Asi anopenga nhai imi? Tea, isu taswera nayo kudai?
Abike riri sadza - Zvakaoma asikana, munhu wandanyatsoudza kuti ndamukira bhazi? Ari kuti tea ndainwira kupi?
Abvunze kuti ndokubikirai chii? - Kunyima ka uku, mweni anobvunzwa?
Atumire vana kumusha - Ho, isu tisu tisina zvekuita, atumira vana kuti iye asare achibatei?
Arege kutumira vana - Ah, anomboda kuti vana vake vauye kuno? Pamwe zvinonzi tingazovaroya.
Agare mazuva mashoma kumusha - Maiwe kanomboda zveruzevha? Nungo dzega dzega
Agarise kumusha - Anotozoenda ameka shuwa kuti tushuga twaakauya natwo twapera.
Atambe chiramu nababamunini - Matambiro ake naSydney ndeechihure. Achatibatira mwana takatarisa.
Arambe kutamba chiramu - Mukati haana zisekuru rakamugara? Munhu asingadi kana kugumwa nemuramu wake?
Atumire grocery - Anoziva sei zvandisina? Adii kutumira iri mari ndatenga ndega?
Atumire iri mari - Shuwa munhu anonyatsoziva kuti kuno zvinhu zvinodhura asi ndopaanotumira mari, adii kutenga ikoko otumira riri grocery?
Ashaure panhamo - Aiwa kuvhengezera tinokuziva isu, apa kuimba kwacho haakugone.
Anyarare panhamo - Iii, makaonawo makwindimariro aainge akaita parufu rwasekuru Agripa akati dzvondo kutarisa chitunha?
Auye kuzobikawo doro nevamwe kumusha - Zvakaoma munhu wechurch anosanganisa
Arege kuuya - Haadi kubatirana nevamwe.
Aite tsika - Ummm mukati haana kumbenge akaroorwa kumwe iyeye? Zvese izvi anozvizivira kupi?
Arege kuita tsika - Haana kana kurairwa.