Find by tag

Marketing in Shona

Mumwe murume akapinda mubhazi achi tengesa zvinhu achibva atanga kushevedzera:
Vana sisi vakaboorwaaa........
Vana sisi  vakaboorwaaaa...................................mhete dziri pano idzi.

Ko vana amai moenda musina mabhurukwa here..........
moenda musina mabhurukwa here...................................mabhurukwa evana ari pano aya 

Ko vana baba moenda dzakamira  here.............................
moenda dzakamira here............................mabattery ewatch ari pano aya.

Ndouya nemakonzo mangwana

Ndini uyo kufamba hangu muOld Highfield ndobva ndaona umwe blazo zvikanzi:
 "mukoma ndirikutengesa kitsi iyi inokwanisa kubata makonzo ese ari pan'anda penyu irikuita $2 chete". 
Ini nekusada kutengeserwa chidhuura ndikati thanks wangu ini hangu handina makonzo kumba kwangu, zvikanzi 
"haisi horror stereki mukaitenga nhasi mondipa address yenyu mangwana chaiwo ndouya nemakonzo acho".

Get nyambo in your inbox!