Find by tag

Nhamo yemuroora

Nhamo yemuroora:

Aite mudiki - Haa kakanyanya kuita kadiki, kachamuhurira

Akure - Mukadzi uyu mukuru achamutonga.

Anyarare - Mukadzi waGoddie akati kwindi.

Ataure - Akachenjeresa pamuromo pake hapamharwe nenhunzi.

Awonde - Mukati Goddie haana kutitorera murwere imi? 

Asimbe - Ringatadze nei kufuta richiswera rakangoti pweshe? 

Agare natete - Akatorera mwana wangu Angela kuti amuite musikana webasa.

Arambe kugara natete  - Haridi vanhu kumba kwaro kunge ndiro rinoshanda.

Abikire muenzi tea - Asi anopenga nhai imi? Tea, isu taswera nayo kudai?

Abike riri sadza - Zvakaoma asikana, munhu wandanyatsoudza kuti ndamukira bhazi? Ari kuti tea ndainwira kupi?

Abvunze kuti ndokubikirai chii?  - Kunyima ka uku, mweni anobvunzwa?

Atumire vana kumusha - Ho, isu tisu tisina zvekuita, atumira vana kuti iye asare achibatei?

Arege kutumira vana - Ah, anomboda kuti vana vake vauye kuno? Pamwe zvinonzi tingazovaroya.

Agare mazuva mashoma kumusha - Maiwe kanomboda zveruzevha? Nungo dzega dzega

Agarise kumusha - Anotozoenda ameka shuwa kuti tushuga twaakauya natwo twapera.

Atambe chiramu nababamunini - Matambiro ake naSydney ndeechihure. Achatibatira mwana takatarisa. 

Arambe kutamba chiramu - Mukati haana zisekuru rakamugara? Munhu asingadi kana kugumwa nemuramu wake?

Atumire grocery - Anoziva sei zvandisina? Adii kutumira iri mari ndatenga ndega?

Atumire iri mari  - Shuwa munhu anonyatsoziva kuti kuno zvinhu zvinodhura asi ndopaanotumira mari, adii kutenga ikoko otumira riri grocery?

Ashaure panhamo - Aiwa kuvhengezera tinokuziva isu, apa kuimba kwacho haakugone.

Anyarare panhamo - Iii, makaonawo makwindimariro aainge akaita parufu rwasekuru Agripa akati dzvondo kutarisa chitunha?

Auye kuzobikawo doro nevamwe kumusha  - Zvakaoma munhu wechurch anosanganisa

Arege kuuya - Haadi kubatirana nevamwe.

Aite tsika - Ummm mukati haana kumbenge akaroorwa kumwe iyeye? Zvese izvi anozvizivira kupi?

Arege kuita tsika - Haana kana kurairwa.

Ungatya kuvhura muromo asi wakambo vhura makumbo?

TSAMBA KUNA TETE 

Dear tete 

Tete ndine nyaya iri kundinetse ndine pamuviri pane mwedzi miviri .Tete ndiri kutya kuudza vabereki nyaya iyi pliz tete ndibatsireiwo 

Ndini muzukuru wenyu 

REPLY YATETE 

Muzukuru nyaya yako ndainzwa asi kana usina kutya kuvhura makumbo unotyei kuvhura muromo  

Ndini anokuda tete

Chihera - musoro wemba

Chihera achirairwa natete avekunoroorwa
Tete: Zvauriwe Chihera uzive kuti murume ndiye musoro wemba 
Chihera: kana iye ari  musoro ini ndiri bhareta

Get nyambo in your inbox!