Reserve Bank
P.O Box MY 123456789
Money Way
Bank
Wadiwa Bond Note
Ndanyora ino tsamba kuti ndikuzivisevo kuti pano pauri kuda kuuya pabarika, huye US dollar ndiye achiri hake pamoyo womurume! Vana pula, pound, euro, yen naana metcazh vakatowoneka havo vakatodzokera vasati vasakadzwa.
Ini ndakambotsungirira asi zvino ndapfidza hangu, ndangogarira vana vangu! Ko ndichaendepi ndachembedzwa kudai?
Zvino huya hako wakagadzirira. Murume wawada unema domestic violence anotyisa chose. Haatye! Kana mapurisa aakutomutyawo. Saka wotosimba zvako.
Ndini wako akarambwa
Rand