Find by tag

Different view on VaPositori vs Police

After the war between vapositori and zrp, the following people were asked to give their views and comments, and below is what they said:

Tiri parwendo actor: Mapurisa akashagadwa akashagadika semashakada akabikwa akashisha

Mai Chisamba: Vadiwa vatariri, ngatizeyei nyaya iyi zvakazara. Ko chiiko chinorwadza kudarika chimwe, tsvimbo yemupurisa (butterstick) kana kuti tsvimbo yemupositori? Touya kwamuri baba chiringazuva chedu chisati chakwata.


Papa Ubert: In the prophetic realm, I prophecy that what the vapositori did is a clear indication of lack of anointing and spiritual powers. Physical battles are not for the church. If it was my church, the congregates would just shout "Major Major!" and all the officers would shake and fall with the high anointing.

Zviri kumbofamba sei: Unotoona kuti mapurisa akatosvika pamasowe vakapfeka bhutsu uku vasina kukwinyira matrouser, apa vakatopfeka hat dzavo. Wotonzwa mapurisa ototi aa, hatidi ma child marriages kumapositori ekumasowe echishanu asi vachisiya vekwamarange. Vaya votoona kuti aa, ko tisu tega here? Bhaibheri rinoti pfekai nhumbi dzokurwa nadzo kureva kuchenesa hana yako, asi unotoona kuti vapositori vanofunga kuti magemenzi netsvimbo ndonhumbi dzacho. Wotoona mapurisa otorohwa nevapositori netsvimbo asi ivo vaine pfuti, vototiza madzimai ototi yeeeeeeee, wotoshaiwa kuti aa, ko zvinhu zvacho zviri kumbofamba sei.

Milton Chitsime: Vapositori vakanga vakaungana kuti bhomere mere seura hwesiriri pakereke paBudiriro apa, mapurisa ndokuti svikiti. Yakaparurwa nyaya, ndokunzi mudariro tsve. "Regai tsika yekuroora vana vadiki," akadaro umwe mupurisa. Kunzwa izvi vana madzibaba ndokuti tuu kutsamwa, zenze tuku nehasha. Pasina chinguva, tsvimbo kumupurisa, imwe kuna muzvina kamera. Imiwe, pakarohwa munhu pamasowe. Mupurisa akanzi netsvimbo kumusana ga, tatara tatara ndiye pasi nyonde. Umwe mupurisa akati kuna madzibaba tsvimbo zete, madzibaba pasi pi, gemenzi peku ndiye zii vakadaro. Tototenda kuti vaiva netirauzi mukati. Dai zvisizvo, paya pakati gemenzi peku, hameno. Uone madzimai uko kukuza, "Rovai madusvura iwawo." Imika! Chokwadi vakafa havana chavakaona, uye kutaurirwa hunyimwa sembare dzekumusana, saka zvaitoda kuzvionera pamhino sefodya. Yakaita mbona mbona kutsvaga chikiti chitema murima!

Sociologist: The propounders of deindividualization phenomina have already foreseen this deviant event. Because the apostolic sect members were so many, each of them lost a sense of identity, followed by untold beatings to the police. Well, taking from Haralambos et al, the theory of functionalism has been witnessed for the market of carpenters is going to boost as they will be making new tsvimbos for all madzibaba and madzimai. From a sociological perspective, the social animals, which in this regard are the police and vapositori, and ongologically speaking from an epistemological paradigm, have begun an era of war

Hwindi: Haa zvedu zvabhadhara vakomana. Mapurisa aigara akatisona, manje ikozvino ava kumapositori. Eee, maiguru muri kuenda here? Tsviyoo. Makoni nepakati.

Vharazipi: Singing *zvamutsana mutsana, madzibaba na officer, zvamutsana mutsana...* bvisa madzibwa iwe! Kusati "Rufaro kwamuri" kunorovesa netsvimbo. Kusabvisa shangu pamasowe kunorovesa. Kusabvisa hat, kunorovesa. Ndakakuudzai VaMayaya kuti Mudhogo wakazviedza izvi, haikona kuzvidza masowe.

Tsvangirayi: The police had helmets, handcuffs, butter sticks and pistols. So it cant be possible that the vapositori defeated them with only tsvimbo yemasowe. They rigged. I therefore declare this story null and void. I wont allow such rigging in 2018.

Dancehall artists: Popopopopo. Makarova officer. Makarova officer. Saka ndiyo reason, yamuri kupindira muprison. Levels! Tiri kurova tiri kurova. Tiri  kurova tiri kurova. Tiri kurova netsvimbo vamwe vari kurova nema buttersticks. Vegodo voti mapositori haana kana dhiri awa, nanana, asi isu tiri kutomhanyisa madinga netsvimbo, hmmmmm hmm.

Wasu: Ini panyaya iyi ndinoita see kuti mapurisa havana kunyatsoite introduce nyaya yavo kuna madzibaba Ishamaeri. Izvi zvakazoita kuti porisi iitwe bash netsvimbo. Hongu mapositori ari wrong pakuite marry vana vadiki uye kusavaendese kuschool. Asi iyo porisi yaifanira kutange yaite remove shangu dzavo nema helmets vobva vozoite address nemapositori. Asi ndinoti sando kumapositori nekuti vakaita defeat porisi netsvimbo chete. Asi manje porisi ichaite revenge and hameno vana madzibaba vakaponaba. 

City Council: We have now found a solution to the city kombi operators. They have outweighed both our officer and those from zrp regardless of the fact that our police is armed with butter sticks. Now we are replacing our officers with vapositori and phase out butter sticks and employ tvimbo dzekumasowe. With this strategy in place, the traffic jam and confusion that is caused by kombi operators will be put to an end.

Eco-Tsvimbo

Econet yazviita zvekare! Unbelivable deals!!

Wave kukwanisa kuzvidzivirira kumapurisa kana masoja chaiwo ne Eco-tsvimbo! To get one, just sms "MASOWE" to 3333!!!

Vhura gonhi, tisu vemutemo

POLICE: gogogoi pano

SUSPECT: ndiani ?

POLICE: tisu vemutemo

SUSPECT: ndinga kubatsirai nei ?

POLICE: vhura door

SUSPECT:  takes time to open 

POLICE: Hey ndati vhura door, uchiri kuitei?

SUSPECT: Gemenzi ndariwana asi ndichambotsvaga tsvimbo

POLICE : Kana muri mupositori musazvinetsa henyu, hatisi kuda imi.

Tsumo - vapositori/mapurisa

  1. Mapurisa kusunga kusunga hawo asi madzibaba varipakirau havasungwe.
  2. Dzaimbova tsvimbo dzamoses dzava mboma kurovesa mapurisa.
  3. Kudada kwaofficer kuti u are under arrest kuna madzibaba pachechi.
  4. Chiripo charovesa officer nemapostori kuti madzibaba hakurovese
  5. Chaidzingirira chava kutiza.

Tsumo - vapositori vs mapurisa

  • Kurova kunoda kwa John Cena, kwaMadzibaba kunoponjesa Mapurisa
  • Chirove chigokurovawo
  • Kupusa kwevane button stick, kudenha vane tsvimbo gozha.
  • Mupurisa asingadzikame, anofira mumaoko eMapostori
  • Chiripo chavawana, Mapostori haangorove Mapurisa.
  • Kwava kusakara kwe tsvimbo, sedzisakambo shanda pa kirawa.
  •  Ane Mupostori ndeane wake, kudeedza Mupurisa kupedza nguva.
  • Chinono chine ma Officer, Mapostori akarova achitiza.
  • Tsvimbo inopihwa anodenha vari kunyengetera.
  • Mwana waChihuri muranda kumasowe.
  • Kunamata kunamata havo,mapostori kudenhwa pasowe anorikita munhu.
  • Panorangwa mwana waChihuri, hwindi teerera.
  • Mupurisa rudzi,anozvara mwana anorohwa.
  • Mupurisa kuroverwa pavanhu hunzi nditandirwe tsvimbo.
  • Tsvimbo muti unorova waunoda.
  • Chidamwoyo mupurisa akada marwadzo.

Makarasikirwa hamuzive zvinonaka

Mupriest weroma akabatsira murume wechipostori netransport. Mupriest akatanga kudya pork pie yake ndokuti kumpostori "huyayi tidye...". Baba vaya ndokuti "handidye pork". Mupriest ndokuti "aaa makarasikirwa hamuzive zvinonaka.!". 

After sometime mupostori asvika paaida kusarira ndokuburuka achitenda nekubatsirwa netransport akati "mofamba zvakanaka monosombisa mudzimai wenyu nevapwere." Mupriest ndokuti handina mukadzi hatitenderwi kuroora. Mupostori ndokuti "aaaa saka makarasikirwa hamuzive zvinonaka." 

Nzvimbo neva gari vemu Harare

Vagari vemu Harare vakamira so:
MBAVHA - Mbare
ZVIGURE -Mabvuku
MAHURE -Chitungwiza
MAPOSITORI -Epworth
N'ANGA -Mufakose
MASOJA -Dzivarasekwa
MANINJA -Kambuzuma
MABOORANGOMA - Glen Norah
MaSALAD - Avondale
GUD GUYZ - Budiriro
MaSEWAGE - Glen View
MaBabe AKANAKA- Waterfalls
MaBHARANZI - Warren Park.
MaFISH-BONGA - Kuwadzana
TYPHOID - Hatcliffe
MaWAR-VET - Malbereign.
MADOFO - Zimre/Ruwa
maZHING-ZHONG -Borrodale
MaHUSTLER - Ximex Mall
MaHWINDI - Highfield
MAPENZI - Braeside
ZVIPOKO - Tafara
AIDS - Avenues!
VAROYI - Tafara
CHOLERA- Mabvuku
NHAMO YAKAPETWA KATATU - Matapi
VASINGAGEZE - Arcadia
VANA SIYA YECOK- Chikurubi ne Morris Depot
MANOSE - Greencroft
MAKUHWA - KwaMachipisa
VANOZVIDA IVO VARI MURUKISHENI - Glen Norah
NZARA- Rugare
MAROVHA- Braeside
ZVIDHAKWA- National
VEGWAZH - MT Pleasant/ UZ
VEKUMUSHA. - Charlotte Brooke/ Crowhill
BILHAZIA - Sunningdale/Mukuvisi
MACROOK - Kamfinsa
ZVIDHAFU - Eastlea
Kwako ndekupi kana 

Get nyambo in your inbox!