Find by tag

Mukomana achi pfimba musikana

Kunyenga kwakaoma akomana. Mumwe muface akati achinyenga babie apererwanemasasi akabata ruoko rwe babie zvikanzi "unomboziva kuti ndorutyora here..."

kupfimba ne bhaibheri

Tindo achishandisa bhaibheri kupfimba:

Tindo: Une mukomana here?
Girl: Handina
Tindo: Gen 2:18 "Jehova Mwari akatizve, Hazvina kunaka,kuti munhu agare ariwoga, ndichamuitira mubatsiri akamukwanira.

Girl: Handikudei bhudhi.
Tindo: 1 John 4:8 Usingadi haazivi Mwari, nokuti MWARI RUDO

Girl: Ndoziyasei kuti urikurevesa nemashoko ako aya?
Tindo: Matt 12:34 Nokuti muromo unotaura zvizere pamoyo

Girl: Manje ndoziya sei kuti wakatendeka muzvokwadi?
Tindo: Mark 13:31 Denga napasi zvichapera asi mashoko haaperi

Girl: But why wada ini? Vasikana hobho pasi rese
Tindo: Prov 31:29 Vakunda vazhinji vakaita zvakanaka, asi iwe unovakunda vese.

Girl: But waonei mandiri chaita kuti undide?
Tindo: Song of Solomon 4:7 Akaisvonaka, iwe shamwari yangu, Hakuna gwapa kwauri.

Girl: Uhmmmmmm, wakuwedzera tunzungu iwe?
Tindo: Prov 31:30 Zvinofadza zvinonyengedzera, unaki hauna matura. Asi mukadzi anotya Jehova, ndiye anofanira kurumbidzwa.

Girl: Saka ndikabvuma chii chinoitika?
Tindo: Gen 2:24 Naizvozvo munhu anofanira kusiya baba naamai vake, anamatire mukadzi wake vave nyama imwe.

Girl: Uhmmmm, sei uchiziya bhuku dzvene kudaro?
Tindo: Joshua 1:8 Bhuku iyi murairo haifaniri kubva pamuromo wako asi unofanira kurirangarira masikati nousiku kuti uchenjere kuita zvose zvakanyorwamo. Nokuti nokudaro uchazviwanira mufaro panzira yako nokubata nokuchenjera.

Girl: Woow, i can see you love God
Tindo: Ps 34:8 Ravirai henyu muone kuti Mwari Havana chinhu chakanaka chavangashaiwa.

Girl: Mmmm, ok chimbondipa nguva ndifunge nezvenyaya yako
Tindo: Philippian 4:8 Pakupedzisira hama dzangu zvose zvazvokwadi zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama zvose zvakachena zvose zvinodikanwa zvose zvinorumbidzwa kana kunaja kupi nekupi kana chingarumbidzwa chipi nechipi, fungisisa izvozvo

Girl: wow, Tindo ndinenge ndatokuda ini
Tindo: Revelation 22:21 "Amen"

Masasi ekupenga - Kupfimbana

Kupfimba kwakaoma, umwe mface abva kubvumwa nebaby nyaya bvadzapera. Kushaya nyaya chaiko.....akabva abata rwoko rwebby..... Kwakuti unozviziwa here kuti ndorwutyora urwu. . 
Umwewo ndiye akati abvumwa sanhasi mangwana akunoona baby abva ashaiwa kuti otangawo sei  nyaya zvikanzi ndimi makadai kutida 
Mumwewo akazoti aona babie akushaya kuti otanga nyaya sei akazoti...... garazviya ndiyani mukuru iwe namai vako?

siyana nemusikan wangu

Bradley: shaa siya nezvekunetsa babie rangu Tariro 
Prosper: iye ndiye ari kutondinetsa 
Bradley: akunetsa kuti chii?
Prosper: ari kuramba kupfimbwa neni

Get nyambo in your inbox!