Find by tag

Nharo dzeku bhawa

This old man akabva kubhawa akabatwa ne beer, ndokuti kune mukadzi wake ndipo bible, mudzimai ndokuita saizvozvo, mudhara ndokuvhura hake chapter yaMatthew overenga, suddenly bvaangoti "yaaa vanhu vane nharo" ndokuti kune mudzimai wake "mangwana kana wakuenda kuChurch undimutsewo nhaika" Mangwana vakamuka ndokubuda vese nguva dzekuenda kuChurch, vasvika pano pararana road yekuChurch neyekubhawa, mudhara ndokutora bible zvikanzi "mai mwana ndokuona wabva kuChurch rega ndimbono rakidza vanhu vaindiitisa nharo kubhawa nezuro kuti Matthew ina double T..

kupfimba ne bhaibheri

Tindo achishandisa bhaibheri kupfimba:

Tindo: Une mukomana here?
Girl: Handina
Tindo: Gen 2:18 "Jehova Mwari akatizve, Hazvina kunaka,kuti munhu agare ariwoga, ndichamuitira mubatsiri akamukwanira.

Girl: Handikudei bhudhi.
Tindo: 1 John 4:8 Usingadi haazivi Mwari, nokuti MWARI RUDO

Girl: Ndoziyasei kuti urikurevesa nemashoko ako aya?
Tindo: Matt 12:34 Nokuti muromo unotaura zvizere pamoyo

Girl: Manje ndoziya sei kuti wakatendeka muzvokwadi?
Tindo: Mark 13:31 Denga napasi zvichapera asi mashoko haaperi

Girl: But why wada ini? Vasikana hobho pasi rese
Tindo: Prov 31:29 Vakunda vazhinji vakaita zvakanaka, asi iwe unovakunda vese.

Girl: But waonei mandiri chaita kuti undide?
Tindo: Song of Solomon 4:7 Akaisvonaka, iwe shamwari yangu, Hakuna gwapa kwauri.

Girl: Uhmmmmmm, wakuwedzera tunzungu iwe?
Tindo: Prov 31:30 Zvinofadza zvinonyengedzera, unaki hauna matura. Asi mukadzi anotya Jehova, ndiye anofanira kurumbidzwa.

Girl: Saka ndikabvuma chii chinoitika?
Tindo: Gen 2:24 Naizvozvo munhu anofanira kusiya baba naamai vake, anamatire mukadzi wake vave nyama imwe.

Girl: Uhmmmm, sei uchiziya bhuku dzvene kudaro?
Tindo: Joshua 1:8 Bhuku iyi murairo haifaniri kubva pamuromo wako asi unofanira kurirangarira masikati nousiku kuti uchenjere kuita zvose zvakanyorwamo. Nokuti nokudaro uchazviwanira mufaro panzira yako nokubata nokuchenjera.

Girl: Woow, i can see you love God
Tindo: Ps 34:8 Ravirai henyu muone kuti Mwari Havana chinhu chakanaka chavangashaiwa.

Girl: Mmmm, ok chimbondipa nguva ndifunge nezvenyaya yako
Tindo: Philippian 4:8 Pakupedzisira hama dzangu zvose zvazvokwadi zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama zvose zvakachena zvose zvinodikanwa zvose zvinorumbidzwa kana kunaja kupi nekupi kana chingarumbidzwa chipi nechipi, fungisisa izvozvo

Girl: wow, Tindo ndinenge ndatokuda ini
Tindo: Revelation 22:21 "Amen"

Ndiri weku Traffic

Pastor vakasvika nepaZRP ndokuona officer vachirava bible. Zvakavakatyamadza vakati, whaat! Mapurisa anoravawo magwaro nhai? Vakabvunza simple qstion yemubhaibheri vakati: "nhai officer ndiani pakati paCAIN naABEL akauraya munin'na wake?"

Officer ndokuti "Pastor bvunzai constable varimucharge office ndovanodealer nedzeMurder, ini ndiri weku Traffic!"

Mathew 7 v 7

Themba akanzwa kuti kune pungwe kuZCC akati regai ndimbonoona kuti kwakamira sei, achisvika akawana mufundisi achiti yave nguva yekuzorora chimborarai zvishoma. Sezvo kwaitonhora Temba akatanga kutsvaga angamubatsira kuti adziirwe. Themba akafunga kutsvaga zvihunhi, achingoti fambei kubva pavanhu akaona vamwe sisi vachiwaridza ndokukumbira gumbeze ndokunzi huyai mupinde sezvo paive pagungano ramwari hapana chakaipa chaifungirwa. Akati adziirwa ropa rakatanga kumhanyamhanya Themba ndokutsvanzvadzira garo rasisi, sisi vaya ndokuti Metthew 7 v 7. Achinzwa izvi Themba akazeza akasiya , garegare akapamha sisi ndokdzokorodza Metthew 7 v 7. Kwaedza Themba akatenda ndokuenda zvake. Kuzoti aveega akavhura vers riya ndokuwana richiti kumbira unopihwa. Naizvozvo hama yangu ziva shoko ramwari usazo potswa nezvinonaka

Kusada kugeza

Matthew 5:28: "Uyo anotarisa mkadzi neziso, akamuchiva, atoita upombwe naye."
Kubva 1 June 2015: "Uyo anotarisa mvura neziso, akaichiva, atogeza." June unotonhora ngatisanyeperana.

Ini ndingori we traffic hangu

Pastor vaidarika zvavo nepa Police station, ndokuona Mupurisa aive Paboom gate achiverenga bible rake, Pastor zvakavashamisa kuti Mapurisa anoverengawo  bible  nhai.
Pastor vakati regai ndimubvunze simple question ndokuti, Nhai Officer pakati paCain naAbel ndiyani akauraya mumwe wake zvikanzi pindai mukati muone Constable vari muOffice number 5 ndivo vanoita zveMurder ini ndiri weTraffic.

Kune vari kutsvaka mabasa...

Pane vari kutsvaga MABASA here pano vari serious. Vhurai mabhaibheri enyu new testament panoperera jowani ndipo pana MABASA

Abraham na Isaki vemu bhaibheri vakubva ku sacrifice

That awkward silence when Abraham and Isaac were walking home after he tried to sacrifice him...
Abraham: I love u son.
Isaac: mdara dai muri mumwe munhu mambosiyana neni.

Masasi ekupenga - kusadya nguruve

Wotonzwa vamwe vachiti heee hatidyi nguruve nekuti ndoo makaiswa ma dhimoni a Rigiyoni. But munovaona vachinwa mvura. Koo nguruve dzacho dzakadonhera payi?...muscud here?

Mubhaibheri hamuna Zim Dancehall!

Madzibaba anopinda mukombi vati fambei mutyairi anotanga kuridza Zim dancehall. 
Madzibaba ndokuti "Munhu wamwari bvisa izvo mubhaibheri chaimo hatina kumbonzwa kuti vanhu vaiteerera zvakadaro.!          
Mutyairi anomisa mota ovhurira madzibaba door oti: "dzikai zvenyu pano mdara"
Madzibaba anobvunza " Ko zvaitaseizve nhai munhu wamwari?"
Zvikanzi nemutyairi: "Isuwo hatina kumbopaona mubible pakanzi vanhu vaifamba nemataxi.Chimirirai ngamera nembongoro zvaitakura vanhu nguva iyi.

Kupfimba sisi veku pentecostal church

Mamwe maSister ekuchurch haasvikirwe zvedzungu . Ukada kuti hi sister makanaka ndakudai unogona kunzi, "get thee behind me satan". Saka unotoita plan... Wakaisa msoro paside, uri 3 metres away wobva wati:
"Sister muri wonderfully and fearfully made, Psalms 139 vs 14. Body yenyu i good measure, pressed down shaken together and runing over ,Luke 6 vs 38". 
Unonzwa sisi voti: "ah imika, i receive"

masasi ekupenga: nyama kana kuti mince

Bhaibheri rinoti murume nemukadzi vachava nyama imwe. Saka kana iwe wasangana nevakadzi hobho ichiri nyama here or mince

Get nyambo in your inbox!