Find by tag

nda buda bhobho

"Touch is a move",  mwana akadeedzera kunababa vake mushure mekunge vabata kanyama kadiki mundiro yavaidya nemwana wavo. 
Mundiro mainge masara nhengo mbiri hombe neduku. Baba vakatora kanyama kaye ndokuisa pamusoro pehombe . 
"Ko baba makuita sei"kamwana kakabvunza kakatyamara.
"Ndabuda bhobho waruza" mudhara vakapindura kumwana

Kufadza munhu kwakaoma - bofu

Kufadza munhu kwakaoma vakomana! 
Rimwe bofu raigaronyunyuta kuti munondiisira nyama shoma. One day rakaisirwa huku yese muplate. Bofu riya ndokuti "ukaona isu toisirwa huku yese kureva kuti imi matopakurirana mbudzi yake yake"

imba ichi kurukura nekiti

Imbwa: shamwari ini ndagara ndine munyama .
Kiti: why my friend.
Imbwa: anoba anonzi anoba sembwa ,anohura anonzi anohura sembwa ,anokara anonzi anokara sembwa ,chero murombo anonzi imbwa chaiyo, why my friend? why?
Kiti: siyana navo imbwa dzevanhu

Mai vanoda zvinhu

Mai vekwangu ndavatadza hama dzangu. She wants a present fo evrything; birthdays, month end, Easter, weekends, Heroes... Well zvishoma izvo, today I woke up to a shock, hanzi, "..darling, what are you buying me for xenophobia..?"

Eria eoenda nengoro yomoto

Sam naEria vakaenda kuchurch, Eria akakumbira jacket raSam sezvo kwaitonhora. Sam akabva arara mufundisi vachiparidza. Akatozopepuka onzwa mufundisi voti "Hoyo Eria muranda washe akatendeka woenda kudenga nengoro yemoto " Sam akati "Mubatei ane jacket rangu " 

Baba vachida kunyima mwana nyama yeku gocha

Vamwe baba vaida kunyima mwana nyama yavaigocha ndokuzadza mhiripiri panyama. Nyama iya payakanga yoda kundoibva, vakaravira kamwe kanhango vachibva vafinyamisa kumeso kuti mwana awone kuti nyama yaivava zvisingaiti.
Mwana uya akabva ati: "Zvino baba mukadaro panyama saka majiggies hamungaagone. Zvotoda isu tajaira".

Muchinda wekumwa Lion, Castle ne Black Label

Mumwe barman aishamisika everyday maipinda blaz mubhawa otenga 3 pints, 1 Lion, 1 Castle ne 1 Black label ogara paTable ine three chairs onwa maPints aye one by one kana apedza obuda oenda.
Izvi zvainetsa barman kusvika abvunza kuti sei ainwa achidaro. Blaz vaya vakati takaita chitsidzo nemaBrothers angu maviri andainwa nawo vachashandira muno kuti patichapesana mumwe nemumwe wedu anofanira kutengera vamwe vake vasipo ovanwira, ivo ndizvo zvavaitoitawo kwavari.

One day blaz vaya vakapinda ndokutenga two pints chete reLion neCastle ndokunogara pasi vachibva vatanga kunwa. Barman zvakamunetsa ndokubvunza blaz vaya kuti asi pane akafa here sezvo vainge vangotenga two pints chete.
Zvikanzi naBlaz vaya "Aiwa hapana akafa. Asi kuti ini ndini ndakasiya doro."

Chikomana chinofarira sadza!

Jane.: Babe ndakusuwa ukuitei?
Tindo.: Ndikudya sadza bby.
Jane.: Ko dai ndiripo dai tichiitei?
Tindo.: Dai wakanditarisa ndichidya sadza.
Jane.: Ko dai pasina sadza?
Tindo.: Dai Nditori kutobika sadza.
Jane.: Tomboti dai pasina hupfu?
Tindo.: Dai tiri kuchigayo ndichigayisa hupfu hwekubikisa sadza.
Jane.: Sadza munorida hantie... Sadza neni chii chamunoda sterek?

Tindo.: Nxaaaah usaenzanise sadza nezvinhu zvisina basa!!

Chimbomirai kupa imbwa sadza

Guys ndibatsireiwo ndaenda kwaMbuya vaSta, amai vamai Sta, mudzimai wangu, ndapihwa sadzandiri kudya. 
Zvino ndirikunzwa vachisheedzera vari ku kitchen kuti, 'chimbomirai kupa imbwa chikafu mozo sanganisa nerinenge rasiiwa nababa vaSta'.
Apa ndiri kusvinyanga musuwa wekupedzisira mundiro hamuchina chinhu, ndodini?

Ndaka shanda makore mazhinju nemufi

Parufu chikafu chashomeka. Mutauri ndokuti " hama dzadiwa chikafu chedu chapera saka vachadya ihama dzapedyo" umwe mudhara ndokusimuka ndokuti " Ini ndiri umwe wevachadya sezvo ndakashanda nemufi kwe 14 years pasina kana kutukana" umwe ndokudhonzera mudhara pasi zvikanzi, "Iwe, mufi mwana anga ane  2yrs".

munamato wemwana anokara

Munamato wemwana anokara: 
Mwari komborerai mai vangu vabike zvinonaka muvabvise mweya wakaipa wekundipakurira 1piece necup yemuto tumirai ngirozi yenyu yetsitsi nemakaro vandiramwire poto yese yehuku ishe dzingai vavengi vangu vanouya panguva dzekudya Amen.

Get nyambo in your inbox!